Marymount Mission yakavhurwa zvakare

CHIKORO cheMarymount Mission, chiri kuRushinga, icho chakavharwa makore 38 adarika munguva yehondo yerusununguko rweZimbabwe, chavhurwa zvakare patanga gore rino.

Chikoro ichi chiri pasi peRoman Catholic Church uye chakavambwa mugore ra1946 ndokuzovharwa muna1978.

Muhurukuro naFather Felix Mukaro, avo vanove Marymount Mission Superior, vanoti chikoro ichi chakavhura zvakare patanga temu yezvikoro svondo rino.

“Vana vechikoro vakawanda vatonyoresa avo vanosanganisira 120 maForm 1 ne20 maLower Six. Donzvo redu nderekudzokera padanho raiva nechikoro ichi kubva pachakatanga,” vanodaro Father Mukaro.

Vanoti chinangwa chavo ndechekuvandudza dzidzo mudunhu reMashonaland Central. “Dzidzo yovandudzwa kuRushinga, kuvhurwa kwechikoro ichi kuchabatsira nekuda kwekuti munzvimbo iyi mune zvikoro zvemabhodhingi zvishoma,” vanodaro Father Mukaro.

Vanoti mari yakashandiswa mukuvhura zvakare chikoro ichi inosvika $1,8 miriyoni iyo yakabva kuRoman Catholic nekumakambani anovatsigira.

 

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×