Syllabus ndiwo musimboti wekubudirira paShona

Ticha Danga
REGAI titange nekuzivisana kuti gwaro ratakapinda rinovaka danho ratichatsika gore rinotevera. Zvinoreva kuti tinofanirwa kuvaka danho risingazotidonhedze. Ngarive danho rakasimba iro richanongedza nzira yatichatora kweupenyu hwose.

Apa ndinoreva kuti zvichabuda mubvunzo kupera kwegore zvononongedza kuchikoro uko tichaenda. Kana takabuda zvakanaka hazvizotinetsa kusarudza chikoro chatinenge tichida.

Sezvo tichiri kumahombekombe kwegore kudai, ndaona zvakakodzera kuti tiburitsirane pachena zvatiri kuzorikichira kwegore rose.

Ndaita izvi kuti tisazopedzera miseve kumakunguwo idzo hanga nehorwe dzichauya.

Pepa redu rinotevedzera bumbiro remutemo wezvedzidzo (syllabus). Bumbiro iri rine zvinangwa zvaro zvinoda kuzadziswa kuitira kuti mwana agokwanisa kubuda zvakanaka pabvunzo. rine vavariro dzakakosha dzinotevera:

a) Bumbiro rinovavarira kuvandudza humhizha hwemutauro mukuterea, kutaura, kuverenga nekunyora kuitira zvinangwa zvakasiyana. Vana vane zvavanenge vakadzidziswa kubva mugwaro repasi vachikwidza.

Saka pagwaro rechinomwe vanenge zvino vovandudza kuitira kuvaka ramangwana.

b) Bumbiro rinovavarira zvakare kubatsira vana kuti vakwanise kutaurirana nevamwe nemazvo mumamiriro akasiyana.

Apa tinenge totarisira kutanhaura mhosho dzinoputsa chishona chamandorokwati uye tichisanganisa matauriro anoitwa munharaunda.

Zvoreva kuti kana vana vadzidza ndimi dzechiShona dzakasiyanasiyana (various dialects) havazotadza kutaura nechero munhu anokwanisa chiShona chamandorokwati sokuti akanzwa kuti “mabura” anobva aziva kuti ndiyo “mbambaira” kana “madima”.

Pakanzi “mabonore” obva aziva kuti chibage chorehwa.

c) Tinovavarira kuti vana vave netsika yekufarira kuverenga zvinyorwa zvakasiyana zvakanyorwa mumutauro wechiShona. Vana vanofanirwa kuva nechidakadaka chekutsvaga zvinyorwa zvechiShona nemapepanhau sezvavanongoitawo kuzvinyorwa zvechiRungu.

Vakafarira kuverenga zvinyorwa izvi vanoona maumbirwo emutauro kuti vagogona kutevedzera.

d) Imwe vavariro ndeyekuti kuvandudzwe nekurera muvana chido chekuyemura mutauro wavo chaiwo kuitira kuzvisimudzira ivo pachavo nekuchengetedza tsika nehunhu hwavo.

Tinoda kubvisa pfungwa yekuti chiShona hachina basa dzokono vofarira mutauro wamasanganiswa (slang) kana kuti voda kutaura chiRungu vachitarisira chiShona pasi nekuti pane panosvikwa kudiwa chiShona ichocho chero zvazvo vamwe vanhu vasingachifarire.

e) Vavariro yekupedzisira ndiyoyo yekuda kuvandudza humhizha hwevana hwekufunga zvakadzama pamusoro penyaya dziri kuita nedzinonyuka munharaunda nedzinenge dziri musoro wenyaya mazuva iwayo.

Apa tinenge tichida kuti tiburitse vana vaya vane hutsanzi hwekutosvika pakuita tsvagurudzo pachavo vega. Vanenge vokwanisa kupa humboo hwakadzama pamusoro wenyaya inenge ichitsviriridza.

Idzi vavariro dziri pamusoro dzine chinangwa chimwe chete chikuru.

Pakananganwa nemwana uyo arikuda kunzi abude zvakanaka mugwaro rechinomwe ozoenderera mberi achiratidza kukosha kwechiShona tisingarase tsika dzedu.

Mwana ngaaumbike kubva mukugona kuverenga, kunyora nekutaura mutauro wemandorokwati. Naizvozvo bvunzo chairo rine zvinangwa zvarowo zvinotarisirwa.

Pabvunzo vana vanotarisirwawo kunge vogona kunyora tsananguro, rondedzero kana tsamba vachiratidza humhizha hwavo hwepfungwa dzakadzama mukurondedzera kana kutsanangudza zvinhu.

Vanokarirwazve kunyora nenzira yakakodzera zvichienderana nyanyaya inenge ichidiwa. Mukunyora imomo munoda kuongororwa mashandisirwo emutauro, zvimiso, kupereterwa kwakanaka kwemazwi nekunyora zvinoverengeka.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×