Muchaneta Chimuka
SANGANO reTag A Life rinoti nyaya dzemhirizhonga dzinobvira kudzimba dzichizopinda muzvikoro umo vadzidzi vanoshungurudzana pachavo kana kuti nevamwe vanhu vavanosangana navo.
Mashoko aya akataurwa nemutungamiriri wesangano iri, Nyaradzo Mashayamombe, svondo rapera pazuva rekuparurwa kweOrange Day iro rakaitwa vakabatana neveWomen’s Trust nechinangwa chekurwisa mhirizhonga kumadzimai nevanasikana.
“Hatidi nyaya dzemhirizhonga muzvikoro nekuti dzinokanganisa dzidzo nekusagadzikana kwepfungwa dzevana. Kana takatarisa nyaya dzemhirizhonga muzvikoro, dzinobvira kumba kunobva vana apo vanoona vabereki vavo vachirwa kana kuti mwanakomana achipihwa chiremera kupinda mwanasikana.
“Vana pavanozoenda kuchikoro vanongotakura pfungwa dzimwe chete. Ndipo patinozoona vamwe vana vachisvereredza vanasikana, kutukwa kana kurohwa,” akadaro Mashayamombe.
Anoti zvakakosha kuti varairidzi vadzidzise vanakomana kuremekedza vanasikana pamwe nekuvatora sevanhu vakangoenzana navo.
“Kunyangwe varairidzi vechirume havafaniri kutora vadzidzi vechisikana sevanhu vakangomiririra kupindwa navo munyaya dzepabonde. Tinoona vamwe vadzidzisi vachitodhirowa chimiro chemwanasikana pachidziro kana kumunyomba nekuda kwemasikirwo ake. Tinoda kuti kana vana vachinge vasangana nenyaya dzakadai muzvikoro kana kumba vadzifumure nekuti dzikachengetwa dzinoita magumo akashata sekubatwa chibharo kana kuzviuraya,” akadaro.
Ropafadzo Banda, uyo akapedza dzidzo yake yeA-Level paExcellent Tutorial College, anoti pamazuva aakange achiri kuchikoro akaona vanasikana vakawanda vachishungurudzwa.
“Mhirizhonga inobvisa munhu chiremerera zvekuti kana ari mwana wechikoro asangana nayo ikoko hapana chinobuda. Mwana anotangisa kurovha kuchikoro nekutya kusvereredzwa zvinoita kuti apedzisire afoira. Vamwe vana vanogumisira vachinjwa chikoro nokuda kwemhirizhonga dzinowanikwa muzvikoro vamwe vachirasikirwa neupenyu,” akadaro.
Zuva reOrange Day, ndechimwe chikamu cheUN chine donzvo rekubatanidza masangano akasiyana munyika nechinangwa chekurwisa mhirizhonga kuvanhukadzi.
Zuva iri rinopembererwa nomusi wa25 wemwedzi wega-wega apo veruzhinji vanokurudzirwa kupfeka mbatya dzeruvarwa rweorange.




