SHUNGU dzekuda mbereko — kana kuti kubata pamuviri — dzakaparira vakadzi vaviri vanogara kuHighfield, muHarare, avo vanoti vakasvika pakunwiswa ropa ravasingazive kuti ndereyi pamwe chete nekunzi varare “nemweya” nemumwe muporofita senzira yekuvauchika kuti vaite vana.
Mushure mekuitiswa zvose izvi, hapana zvazvakabatsira sezvo vakadzi ava vasina kubata mimba dzacho.
Kuuchika itsika yekushandisa chivanhu kuti mukadzi kana murume asingabare akwanise kuita mwana.
Vaviri ava vanoti vakanwisa ropa nemuporofita weJohane Masowe yeNguwo Tsvuku uyo wavanongoti anobva kuMt Darwin uye akanga anonamatira kuHighfield ari “kumativi mana”.
Shamwari neshamwari — Mai Betty Makaripe (37) naMai Karen Nyakutsikwa (27) — avo vanogara panhamba 2186 muna127 Street, kuEgypt vanoti vakadyiswa nekunwiswa zvakawanda nemuporofita uyu nechinangwa chekuti vabate pamuviri.
Mai Makaripe, avo vanova mudzimai waVaVengai Mukaro (39), vanoti vakatorana naMai Nyakutsikwa ndokufamba kwakasiyana vachitsvaga kubatsirwa kuti vaite vana apo vakazosangana nemuporofita wekuvanwiswa ropa.
“Ndakaroorwa mugore ra1998 apo baba vekwangu vakabvisa mari kumusha kwangu kwaBasira, kuBuhera, vabereki vakafara zvikuru. Asi mbereko (mimba) ndiyo yakazoramba kubata. Takazotanga kufamba kun’anga yekwaManzvire, kuChipinge, uko ndaidyiswa sadza remhunga nemapfunde risina muriwo ndichinzi ndiseve pamapfihwa uko ndakagara kwesvondo,” vanodaro.
Mudzimai uyu anoti akamboenda kuSt Benard, kuBuhera, kumuporofita wechidzimai uko anoti aipfekedzwa lemon rakamenywa kusikarudzi achinzi kwaive kubvisa mhepo muchibereko.
“Kunze kwelemon, ndaipfekedzwawo zai kunhengo dzangu ndichinzi ndifambe makiromita matatu naro risingafanirwe kupwanyika. Zvainzi rikapwanyika zvaireva kuti handibereke uye harina kupunzika asi hapana zvakabatsira,” vakadaro Mai Makaripe.
Vanoti apo dambudziko rekushaya mbereko rakange radzika midzi, vakaenda kune mumwe muporofita wemuHarare vakadyiswa hove mbishi idzo dzaibatwa mu‘‘fish pond” asi pamuviri hapana kubata.
Mai Makaripe vanotizve vakazonzwa nezvemuporofita wekuHighfield, uyo aibatsira vanhu panzvimbo iri pakati pemusha uyu nerwizi rwaMukuvisi, ndokuwirirana naMai Nyakutsikwa kuti vambonozama kubatsirwa padambudziko ravo rakafanana rekushaya mbereko.
“Takanosvikako ndokunzi titenge mazai matatu pamunhu ayo aiiswa mumbiya tichinwa mvura yacho. Mazai aya ainzi akangotsemuka zvairatidza kuti hatibereke. Takatenga mazai kanokwana katatu achingonzi aiita mitsetse kureva kuti takatenga mazai 18 pamwe chete,” vanodaro.
Vanoti vakazonzi nemuporofita uyu vanoisa mazai aya pane mvura inoyerera izvo vakanoita kwaMukuvisi.
“Izvi zvaiitwa kwatiri tose neshamwari yangu asi hapana chakabatsira kusvika takazonzi tichinwa ropa iro takanzi tisabvunze kuti raiva rei.”
“Takatanga kunwiswa ropa raiva rizere mumbiya dzevhu katatu pazuva iro rainhuwa zvikuru uye taibhadhara US$12 pazuva kuitiswa izvi, kureva kuti munhu mumwe chete akanwa mbiya dzeropa 9 dzakabhadharwa US$36,” vanodaro Mai Makaripe.
Ropa iri rinonzi raisanganiswa nemafuta ekubikisa (cooking oil).
“Ropa iri raikonzera kuti tizotadza kudya, raitinetesa muviri kana tichangopedza kurinwa. Hapana chakaitika panyaya yekubata pamuviri apo ndakaenda zvakare kune mumwe muporofita munzvimbo imwe chete iyi wenguwo tsvuku ndichida kuyereswa kuti ndiwane basa,” vanodaro Mai Makaripe.
Vanoti muporofita uyu akazovati vazodzoka rimwe zuva sezvo mukuru wavo aiva asipo.
“Ndakazodzokera ndikanzi ndaiva nemhepo yaida kuti ibviswe nekurara ‘nemweya kana mhepo’ kana kurara nemurume wangu. Akati paizodiwa mafuta emhando mbiri dzakasiyana ayo aizozorwa pandairara nemurume wangu nepandairarawo ‘nemhepo’. Ndakazoziva kuti iye muporofita uyu ndiye aida kurara neni achizviti imhepo.”
Mai Makaripe vanoti pavakaudzwa zvekurara “nemhepo” vakanzi vaifanirwa kuzorwa mafuta enyasha ayo ainzi anoita $6 neegokonombwe anokosha $7 kusikarudzi yavo.
“Izvi zvaireva kuti ndaifanira kurara nemumwe wemaporofita matatu aivapo apo vakati ndisarudze wandaida vachiti izvi ndizvo zvaibvisa mhepo iri pandiri. Ndakavati ndaizodzoka mangwana acho apo ndakange ndava nepfungwa dzekuenda kumapurisa,” vanodaro.
Mukadzi uyu anoti achingobva pasowe iri, akatandaniswa nezinyoka zvakaita kuti apunzike achitiza.
“Ndakazotanga zvangu kuenda kune imwe chechi (zita tinaro) riri muHarare uko ndakazobatsirwa ndikaita nhumbu ndokusununguka mwana musikana ava nemwedzi mitatu izvozvi.
“Ndinoti mwana anobva kuna Mwari uyewo kune mamwe madzimai ngatinamatei kana tawirwa nematambudziko nekuti tinoitiswa zvose-zvose nevanozviti maporofita ava,” vadaro Mai Makaripe.
Vanoti vakangoziva kuti muporofita uyu anobva kuMt Darwin.
Murume wavo, VaMukaro vanoti panguva iyi vaiendawo kaverevere kunotsvaga rubatsiro kuti vaite mwana.
VaMukaro vanoti: “Mwari vakazopindira, inyaya yandakataurirwa nemudzimai kuti vakanwisa ropa nekuita zvakawanda. Ini ndaidyawo mazondo nezvimwe.”
Mai Nyakutsikwa vanoti vakaroorwa nemurume wavo wekutanga
ndokurambana nenyaya yekushaya mbereko.
Nemurume wavo wechipiri havasati vave nemwana.
“Takanwa ropa iri tikaita zvose zvairehwa nemaporofita aya asi pamuviri hapana kubata. Izvozvi ndava kunamata kuimwe chechi, uye ndine chiedza chekuti ndichaitawo mwana zvakaita shamwari yangu. Hazvisi zvekumhanya izvi,” vanodaro Mai Nyakutsikwa, avo vakashamwaridzana naMai Makaripe zvichibva mukuva nematambudziko akafanana.
“Izvozvi handichadya nyama nekuda kwekunwiswa ropa kwandakaitwa. Ndikaona nyama ndinonzwa kuda kurutsa,” vanodaro.
Vamwe vanogara pamwe chete nemadzimai aya — Mai Josyline Nyakutsikwa (30) naMai Rudo Munyawiri (33) — vanoti vanoziva nezvepfumvu yakasangana nevakadzi ava vachitsvaga kubata mimba.



