Samusha opedzera mari muchipfambi

Nyasha Chabvonga
SAMUSHA vekuEpworth, muHarare, vekunzi vanopedzera mari yavo kupfambi, akazochechuka vamiswa mudare nemudzimai.

Purity Nerawaya akaendesa Peter Kawendo kuHarare Civil Court achida mari yekuchengeta mhuri yavo.

“Mazuva ano hauchatengi chikafu kana kundipa mari yekutengera vana zvipfeko. Ini ndini ndinotoona kuti vana vadyei uye vapfeka here.

“Ndikasadaro vanofa nenzara zvose nekufamba vakashama asi iwe baba vavo uripo uchipedzera mari kumafaro. Mari uri kuisepi?

“Kare wairiritira mhuri yako wani, zvekuti hauna mari zvauri kureva inhema.

“Uri bhiridha iwe, mari yemba hauchadi kubhadhara. Unoda kuti tigare mahara pamba pevanhu?” akadaro Nerawaya.

Kawendo akaramba kuti anopedzera mari yake kupfambi achiti kana munhu asina mari hazvirevi kuti pane kwaanenge achiita zvemafaro.

“Iwe unotaura zvokuti ndiri bhiridha ini, unozviziva wani kuti ndiri mukomana wedhaka. Zvako zvauri kutaura handizvizive. Kana uchiti mari pane kwainoperera hameno hako, ini handina mumwe mukadzi,” akadaro Kamwendo.

Akati anotenga zvokudya pamwe nekupa mukadzi wake mari nekudaro anokwanisa kumupa $25 yekuchengeta mhuri yavo.

“Uri mudzimai wangu iwe, inga ndinokupa mari wani. Chawashora chii mazuva ano zvinhu zvakandiomera?

“Unozviziva wani, handisi kupedzera mari kupfambi ini,” akadaro Kamwendo.

Mutongi Barbra Mateko akati Kawendo abhadhare $40 yemendenenzi pamwedzi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×