Takaburana naGaal: Di Maria

ANGEL Di Maria akabvuma zviri pachena kuti akanetsana naLouis van Gaal panguva yaakambotambira Manchester United uye nemashandiro aiita muDutch uyu izvo zvakamutuma kuti abve kuchikwata ichi.

Di Maria akatengwa neParis Saint ne44.3 miriyoni paunzi mwaka uno — mushure mekupedza gore rimwe chete ari mutambi weMan Utd zvichitevera kutengwa kwaakaita kubva kuReal Madrid ne59.7 miriyoni paunzi muna 2014.

Muchinda uyu akatamba mitambo 20 chete muPremier League uye mumwe chete pamitambo 10 yekupedzisira, akakwanisa kunwisa kana chete. Zvisinei, akabvuma kuti akatadza kuenderana nezvaidiwa naVan Gaal. — Sky Sports News

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *