CHITSAUKO 3 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Mugadzi anoedza kufunga zvekuita ndokugumirwa nepfungwa. Kuti anoti kuna Lily ngaarege kuuya anonyatsozviona kuti hazviiti. Anombozvipa kakugadzikana kwepfungwa apo anoona kuti pachine mazuva akawanda Lily asati ashanya.
ONGORORO:
Tinodzidza nezvechimwe chitendero chatinacho isu vanhu vatema vemunyika ino. Ichi ndicho chitendero chiya chekutanda botso. Munhu kana amai wako vakafa wavashatirisa vanozouya kuzoranga mangwana kuti shungu dzavo dzipomhodzwe. Kare munhu wainzi utande botso. Tinonzwa mai Gatsi vachitaura nezveizvi apo vanoti, “Unomboziva here kuti kana mai vaya vakafa unotanda botso iwe?” (32).
Takaudzwa kuti amai vaMugadzi vainge vasisaoni zvakanaka nekuti vainge vafurirwa muziso nenyoka. Amai ava vaida anovachengeta nekudaro Mugadzi ainge ati mai Sarudzai vaende kumusha kunovachengeta, ivo ndokuramba. Munyori anoshandisa musambo wekuturika hana yemuverengi mumhepo asingaduri kwaari chaicho icho chinenge chichida kutaurwa (suspense). Izvi tinozviona papeji 36 Mugadzi naLily vari kukurukura zvavo posvika nguva yokuti Lily anoda kubvunza Mugadzi mumwe mubvunzo. Lily uyu haabvunzi ipapo mubvunzo wacho, tomunzwa achiti, “zvakanaka ndokubvunza wadzoka” (36) apo anonzi naMugadzi ngaabvunze zvaanoda kuziva.
Tinodzidzazve zvimwe zvakati wandei maererano netsika nemaitiro evanhu. Maererano naMasimba tinonzwa munyori achiti Mugadzi haana kuda kutombonanavira mujaya uyu panyaya yemari nekuti, “aivimba naye pasina kupokana” (37) obva aona kuti kumubvunza nezvemari yainge yashaikwa “kwaizofanana nekumurova neshamhu inorwadza” (37). Munyori anoshandisawo musambo wedzokororo (repetition). Tambonzwa kuti paakatarisa mari yake akawana pasina makumi mana ayo “aive amera makumbo” (37). Tinonzwazve kudimikira kumwe chete kuchidzokororwa papeji 38 apo zvinonzi mari akaona isisipo “iri kumera makumbo”. Izvi zvinosimbisisa pfungwa yekuti mari yainge ichitorwa zvechokwadi.
Kumwe kudimikira tinokuona kuchishandiswa nenzira dzakati kuti. Mugadzi achitaura namai Gatsi anoti vangafara here kumuona achipinda mune zvaakambokanganisa kechipiri here izvo anodimikira achiti, “munoda kuti ndiwire mumadhaka kechipiri imi makatarisa here?” (33).
Zvainge zvava kuitika mumba maMugadzi zvainge zvava mazvake mazvake, nzendo dzaMugadzi dzichiwanda kuMarondera, ukuwo mukadzi Sekai achitamba dzakewo izvo zvinonzi, “Yaive yava wasara wasara mujawo wamabhiza” (37).
Tete vatsamwa nekuti Mugadzi ajaidzwa kuita zvaanoda saka havadi kumurega achiita saizvozvo saka “haikona kuswerojaidza makudo neanokamhina” (38).
Enzaniso tinodziona dzichishandiswa kakawanda kupfuura kudimikira. Tichingobva mukuti tangei kuverenga chitsauko ichi tinonzwa tete vachitaura maererano nemaitiro emurume wavo uyo asisadi kugara pamba uyo anoti “anenge ane mamota kumagaro” (31) uyo asvikirwa naMugadzi atoenda Harare.
Apo Mugadzi anosiiwa mumba tete vachinanga kumba kweshamwari yavo kunodana Lily, rume rinosara richiputa fodya mudzanga uchitevera mumwe zvekuti panodzoka tete imba yese hunenge hwangove utsi hwefodya chete izvo tete vanoti imba yese kuita “seyotsva nefodya kudai” (33). Panopinda Lily mumba, rume rinomedzera mate achiyeva runako rwemwanasikana uyu, munhu ndokuonekwa ava kuramba achiyewa tete naLiliy vachipinda “kunge abatwa negetsi” (34).
Hapano pakutsanangura runako rwaLily anonzi meso ake aivaima “kunge nyeredzi” (34). Mugadzi paanogwinhana naye mawoko anonzwa mukanwa make “kunge aive asina mate” (34). Panozopera zuva murume hapana kwaachaenda nako.
Enderero mberi svondo rinouya.




