‘Takadzidziswa zvakawanda naHanshi Bosman’

Abel Ndooka

SANGANO reKyokushin Budokan Zimbabwe, rakabatana neHarare City Martial Arts Club, rinoti kuuya kwenyanzvi yekarate yepasi rese – Hanshi Hennie Bosman – svondo radarika kwakabatsira zvikuru vatambi kuti vawane ruzivo rwakadzama rwemutambo uyu.

Hanshi Bosman, uyo anove chizvarwa chekuSouth Africa uye achitungamira sangano reInternational Kyokushin Budokan, akauya muZimbabwe akaitisa zvidzidzo zvemutambo uyu. Izvi zvakaona vatambi vekarate vanodarika 150 vanobva kumapurovhinzi akasiyana vachiuya kuzodzidza kubva kwaari.

Munyori mukuru weKyokushin Budokan Zimbabwe pamwe neHarare City Martial Arts Club – Sempai Piniel Nzvenga – anoti sesangano vakabatsirikana zvikuru nekuuya kwaHanshi Bosman.

“Svondo radarika, paive nevatambi vanodarika 150 vakauya kuzodzidza kubva kuna Hanshi Bosman pamutambo wataive nawo uyo taiitira kuCity Sports Centre muHarare.

“Takave nenguva yakanaka uye takadzidza zvakawanda kubva kwaari izvo tine chivimbo chekuti zvichabatsira kusimukira kwemutambo uyu munyika yedu mune remangwana.

“Zvikuru zvatakadzidza kubva kuna Hanshi Bosman izvo zvinosanganisira matambirwo emutambo uyu, nzira dzinotibatsira kuti tihwine mumitambo yakasiyana nekuridza pembe zvemhando yepamusoro,” anodaro Sempai Nzvenga.

Anoti munaKubvumbi, seKyokushin Budokan Zimbabwe vacharonga mutambo muno uyo uchauya vatambi vakawanda vachakwikwidza vachishandisa ruzivo rwavakawana kubva kuna Hanshi Bosman.

“Izvi zvichatibatsira kuronga zvikwata zvedu nekuti munaNyamavhuvhu takashevedzwa kumutambo mukuru uri kuCape Town, kuSouth Africa uyo uri kurongwa naHanshi Bosman,” anodaro Sempai Nzvenga.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *