Takagadzirira kudzoka kweCovid-19 kechipiri

Wallace Ruzvidzo

ZIMBABWE yakagadzirira zvikuru kunyuka kwechirwere cheCovid-19 kechipiri (second wave), vanodaro Dr Agnes Mahomva avo vanova chief co-ordinator wezveCovid-19 mumahofisi emutungamiriri wenyika nedare reCabinet.

Mashoko avo anotevera zviri kuitika kunyika dzine chitsama, kunyanya kuEurope nekuUnited States, uko kuri kudzoka kechipiri chirwere ichi.

Izvi zvaita kuti nyika dzakaita seUruguay dzidzokere pachidanho chekutanga chekurwisa chirwere ichi kuburikidza nekudzika mutemo unorambidza vanhu kufamba-famba panguva iyo United Kingdom inoti inoda kuita zvimwe chetezvo nechinangwa chekudzikisa kupararira kwecoronavirus hutachiona hunokonzera Covid-19.

Dr Mahomva vanoti Zimbabwe iri kuvandudza zvakare nzvimbo dzinochengeterwa varwere veCovid-19 pamwe nekutsvaga dzimwe itsva.

Kunze kwaizvozvo, pane midziyo yakawanda yakatengwa yekushandisa mukudzivirira chirwere ichi yevashandi vezveutano nemimwe ichaendeswa muzvikoro.

MuZimbabwe pari zvino huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus mushure mekunge vavhenekwa huri kudzikira pamwe chete nevanhu vari kufa nechirwere ichi zvichitevera matanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekumisa kupararira kwacho.

Dr Mahomva vanoti Hurumende iri kurumbidzwa zvikuru nemapoka akasiyana nekuda kwematanho airi kutora kubvira patanga chirongwa chekurwisa chirwere ichi munaKurume sezvo izvi zvabatsira mukudzivirira kupararira kwacho.

“Nyanzvi dzinogamuchira maitiro atiri kuita mukurwisa chirwere ichi dzichiti akanaka. Chirongwa chekutanga chekuedza kumisa Covid-19, icho chakatanga muna Kurume, chakarumbidzwa,” vanodaro.

Vanoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huri kudzikira.

“Huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 huri kuderera sezvinoonekwa nemagwaro anoburitswa zuva nezuva panguva iyo tiri kuwana rutsigiro kubva kunyanzvi dzepasi rose,” vanodaro Dr Mahomva.

Boka reAfrica Centres for Disease Control and Prevention (Africa CDC), iro riri pasi peAfrican Union, nemusi weChina svondo rapera rakati matanho ari kutorwa neZimbabwe ekudzivirira kupararira kweCovid-19 anobatsira mugadziriro yekunyuka kwacho kechipiri.

Kuchiti sangano reWorld Health Organisation svondo rapera rakazivisawo kuti riri kutsigira zvikuru kurwisa kupararira kweCovid-19 panguva iyo vashandi varo vanosvika 900 vakatumirwa kunyika dzakasiyana muAfrica kuti vabatsire mukumisa kupararira kwechirwere ichi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×