Zvikoro zvobatsirwa

Munyori weKwayedza

MASANGANO evechidiki muguta reHarare akabatsira nezvinhu zvekushandisa pakudzivirira Covid-19 muzvikoro sezvinodiwa pasi pemitemo yakatarwa neWorld Health Organisation (WHO).

Danho iri rinotevera kuvhurwa kwezvikoro neMuvhuro uno.

Zvikoro zvabatsirwa zvinosanganisira Hatcliffe Primary 1 ne2, Hatcliffe Secondary School neSelonga Cluster Schools kuGwanda.

“Chikamu chedzidzo chemuZimbabwe chakakanganiswa nekuda kwechirwere cheCovid-19 uye takazvipira kubatsira vana avo vane fundo yakadzoserwa kumashure nekunyuka kwechirwere ichi,” chinodaro chinyorwa chakabva kumasangano aya.

“Svondo radarika takapa zvinhu paHatcliffe 2 Primary School apo taipa zvekushandisa muchikamu chechipiri chechirongwa chedu kuHatcliffe Primary 1 ne2 uye neHatcliffe Secondary School.”

“Tiri kukumbira kune vane mwoyo wetsitsi kuti vabatsire nezvinhu zvakasiyana nechinangwa chekuyamura zvikoro zvisingakwanise kuzvimiririra, kunyanya zvekumaruwa.”

Zvinhu zvawanikwa nemasangano aya zvekurwisa kupararira kweCovid-19 kusvika pari zvino zvinosanganisira mathermometer, mamasiki nemimwe mishonga.

“Muchirongwa cheSafer Schools Campaign tiri kubatana nezvikoro nemasangano anoshandira munharaunda mukubatsira vanhu nezvikoro kuti vazadzikise zvinodiwa neWHO mukurwisa Covid-19.

“Nharaunda dzatiri kunyanya kubatsira ndeidzo dzine vanhu vanoshaya vane vana vasingakwanise kuwana fundo yepadandemutande,” anodaro masangano aya.

Zvikoro zvakavhurwa neMuvhuro uno kuvadzidzi vari kunyora bvunzo dzekupera kwegore dzeGiredhi 7, Fomu 4 neFomu 6.

Vana veGiredhi 6, Fomu 3 neFomu 5 vachavhura nemusi wa26 Gumiguru kuchitiwo vamwe vose vanosanganisira ECD A neB, Giredhi 1 kusvika 5 uye Fomu 1 ne2 vachavhurwawo musi wa9 Mbudzi.

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×