Takayidza ari kusimukira

Abel Ndooka

MUIMBI wemusambo wechitendero ari kusimukira, Wellington Takayidza, anoti vechidiki ngavasanyare kana kutya kutaridza zvipo zvavo sezvo vachikwanisa kuwana raramo kubva mazviri.

Takayidza – uyo anotsigirwa nechikwata cheSeraphim Worshippers – achangobva kubura dambarefu rake rekutanga rinonzi Munamato-Prayer iro akaimba achibatsirwa naRobert Mandiki anove  mumwe wevaimbi vechitendero.

Muchinda uyu anoti akatanga kuimba achiri kuchikoro uye ndokunyora mhanzi kubvira mugore ra2008 asi aitya kuitsikisa achifunga kuti zvimwe inogona kusatambirwa nemakambani anotsikisa mhanzi.

“Tichitanga kuita zvemhanzi, taifunga kuti ndezvevamwe chete uye isu hatizvikwanise. Ndaingonyora mhanzi chete ndisingatsikise, ndichifunga kuti hazvimbobude asi patakazoenda kustudhiyo kunotsikisa takaona zvichitoita zvichitobatana, ndokubura kwandakaita dambarefu rangu rekutanga iri. Saka ndinokurudzira vamwe vechidiki kuti vasanyare kana kutya kutaridza zvipo zvavo sezvo vachikwanisa kuwana raramo kubva mazviri,” anodaro.

Dambarefu rake iri rinotaura pamusoro pezvakanakira kunamata.

“Kuziva Mwari kwakakosha zvikuru uye kunoti batsira sevanhu kuti hupenyu hwedu huendeke zvakanaka. Chishuwo changu kuti mhanzi yangu ishandure vanhu vazive Mwari uye varambe zvitadzo nekuti zvinotibvisa panaMwari,” anodaro Takayidza.

Dambarefu iri rine nziyo dzinoti Nyararai, Muroti, Jehovah, Ngatibate basa, Ndisimbise Ishe, Fara, Vhangeri uye kambo kekuti Nyararai ndiko kari kurakidza kufarirwa nevakawanda mumakereke umo Takayidza anofamba achiridza.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *