Gudo ‘mubedroom’

Munyori weKwayedza

MHURI igere mumusha weLobengula Extension, kuBulawayo, svondo rapera yakaita bararamhanya ichitsvaga pekuhwanda apo gudo rakangoerekana ravapindira mumba mavo nechisimba, ndokunanga kuimba yekurana (bedroom) umo rakasvikotanga kubvujunura zvinhu zvaivemo richibva razozvivharimo.

Risati rapinda mumba umu nechisimba, gudo iri rinonzi rakatanga ratora bhurumu raishandiswa nemusikana webasa wepamba apa uyo aikorobha akabereka mwana kumusana.

Rinonzi rakarova musikana uyu nebhurumu iri kumeso apo akaedza kurirambidza kupinda mumba.

Akatozobatsirwa nekubongomora mhere kuti asarambe achirohwa apo akanunurwa nechikwata chevamwe varume vaidarika.

Zvinonzi gudo iri rakatanga kuonekwa kunzvimbo yemaindasitiri yeKelvin North apo rakadzinganiswa nevamwe vagari veko kusvikira razosvika pamba apa.

Pakasvika vatori venhau pamba apa, mhomho yevanhu yainge yaungana ichida kuona mashura patawindi aya.

Chiitiko ichi chakaita kuti pave nemitauro yakawanda-wanda, vamwe vachiti zvichida igudo revaroyi.

Vashandi vekubazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka, reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, vakave nenguva yakaoma apo vakaedza kubvisa gudo iri mumba marakange razvivharira.

Vakatozoita zvekuribaya jekeseni vachiitira kuti ridzikame uye risaparadze midziyo ndokuzoribata.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *