Tapinda nzara – ‘Money changer’

Nyasha Bvudzijena
VAMWE vevanhu vanorarama nekuita mabasa emaoko vave kuchema nekuda kwechirongwa cheHurumende chinoti vanhu vose – kusara kwevanoita mabasa anokoshesesa – vagare kumba vasingafambe-fambe kwemasvondo matatu senzira yekudzivirira kutapurirana nekupararira kwechirwere chanetsa pasi rose cheCovid-19.

Mumwe wevanochinja mari pamusika mutema, Fanuel Mhlanga, anoti basa rake ranga richimupa mari yakawanda zvino kugara kumba kwavhiringidza zvirongwa zvaanga akatara kuita gore rino .

“Dai mazuva akataurwa achipera nekuti zvauraya basa rangu sezvo pasina mari yandiri kukwanisa kuita kana ndisina mari mufoni nekuti kwatinoisirwa mari iyi kwakavharwa. Ndange ndakatarisira kuroora munaKubvumbi asi handione sezvichaita nekuti handisi kukwanisa kutenderedza mari.

“Iko kungoswera pamba kunotodhura nekuti vanhu  vakange vachiswera pamba kudya kwacho kwakanyanya,   unobuda mubhajeti,” anodaro Mhlanga.

Anoti ndiye sara pavana anoriritira mhuri yakasiiwa nevabereki avo vakashaika makore mana apfuura mutsaona saka zvinhu zvakatomuomera munguva ino sezvo zvose zvinodiwa pamba zvakangotarisana naye.

Achitsigirawo zvaitaurwa naMhlanga, mumwe mudzimai anoita basa rekuruka mabhegi achinoatengesa kunze kwenyika, Molline Para anoti Covid-19 yamukandisa mapfumo pasi.

“Chirwere ichi  chakaoma, chanetsa nyika dzose. Handizive kuti chakabva nekupi – paunenge wofunga kuti upenyu hwako hwava kuendeka panongouya zvinovhiringidza. Handisi kukwanisa kubuda kunze nebasa sezvo mabhodha akavharwa apo ndanga ndiri pakati pekuvaka kusitendi kwangu ndichitarisira kuti ndinopedza gore rino asi zvatokona,” anodaro.

Anoti dai  Zimbabwe ikasaita zvakaitwa nenyika yeSouth Africa zvekuwedzera mazuva nekuti kugara pamba hakusi kumuunzira mari muhomwe sezvo pasina mukana wekushanda.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 18 vange vawanikwa vaine Covid-19 muZimbabwe apo vatatu vavo vakatoshaika.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *