TARENDA RIZERE: PETER‘. . . asi mari yauraya nhabvu’

PETER Ndlovu — muchinda wekumbonetsa munhabvu achitambira Highlanders, chikwata chenyika chemaWarriors, nezvimwe zvikwata zvekuEngland nekuSouth Afriva — anoti nhabvu yemazuva ano yave kutongwa nemari izvo zviri kudzosera budiriro yemutambo uyu kumashure.

The Flying Elephant kana kuti Nsukuzonke, sekuzivikanwa kwaiitwa Peter mumazuva aainge achapisa, anoti hapana musiyano wakanyanya munhabvu yave kutambwa makore ano kana achitarisa nguva yavaitamba ivo asi kuti nyaya yemari ndiyo yave kutungamidzwa kumberi.

Muhurukuro neKwayedza yadarika, Peter anoti anogutsikana netarenda revatambi vemuPremier Soccer League pamwe nevemaWarriors, avo anoti vanofanira kukoshesa mutambo wenhabvu.

Peter anokurudzira vatambi vari kusimukira kuti vazvipire mumutambo uyu sezvo vachigona kuwana chouviri kubva mauri.

Panguva yake yaakaita mukurumbira, Nsukuzonke akatambira zvikwata zvinosanganisira Highlanders, Coventry City yekuEngland, Sheffield United (England), Birmingham City (England), Mamelodi Sundowns (South Africa) neThanda Royal Zulu yeSouth Africa zvekare.

Anoti chaimutuma kutamba nhabvu chikuru chido chekumirira nyika yake pamwe nezvikwata zvakasiyana zvaakatambira.

“Nhabvu yatakatamba isu kare neyave kutambwa makore ano hapana zvakanyanya zvakasiyana nekuti tarenda muno rizere asi nyaya yave kunetsa ndeyekuti nhabvu iye zvino yave kutongwa nemari.

“Tarenda rizere asi chinozokanganisa vatambi inyaya yemari nekuti vazhinji vavo ndiyo yavave kutungamidza apo vanoda kutambira zvikwata zvinovapa mari yakawanda pane kuvakwa tarenda ravo.

“Ini pandakatamba, chinhu chaive chakakosha kwandiri kuziva kuti ndiri kumirira nyika yangu pamwe nezvikwata zvandakatambira.

“Kutungamidza mari hakubatsire nekuti unogona kuve une mari yakawanda asi pasina zvazvinobatsira, pasina kwaunosvika,” anodaro Peter.

Anoti chakakosha munhabvu kuti vatambi vave nechido chemutambo nekutiwo matarenda avo asimukire.

“Isu taitamba zveshungu zviya, uye taive nehukasha. Kana wakatarisa matambirwo ave kuita nhabvu mazuva ano, zvakati siyanei asi hapana chinotadzisa zvikwata kuti zvibudirire.

“Dzimwe nguva taiti kana ukakuvara, munhu waisataura asi kuti wairamba uchitamba zvakadaro. Asi iye zvino mutambi anorapiswa uye anobatwa zvakanaka. Zvangosarira kuvatambi kuti vashandise mikana yavari kuwaniswa iyi kuti vagove neramangwana rakanaka.”

Mushure mekusiya kutamba nhabvu, Peter akamboshanda semutevedzeri wemurairidzi wemaWarriors akazosiya basa iri ndokuenda kunoshanda kuMamelodi Sundowns, kuSouth Africa, uko kwaari maneja wechikwata ichi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×