Muchaneta Chimuka
VAMWE vana vechikoro vanoti chishuwo chavo chekuti vakwanise kudzidza vachifambirana nenguva kuburikidza nekushandisa ruzivo rwechizvino-zvino rwakaita sedandemutande, iya inonzi E-learning. Kwayedza svondo rapera yakaita hurukuro nevamwe vadzidzi zvichitevera kuvharwa kwezvikoro avo vakapa mafungiro avo akasiyana pamusoro pezvishuwo zvavo zvekuti pave nebudiriro munyaya yefundo.
Tinotenda Marongedza (16), uyo anodzidza paNyamuzuwe High, kwaMutoko, anoti anofara nekuvharwa kwakaita zvikoro uye ari kutarisira kuzoenda kuForm 4 gore rinouya.
Tonderai Nhundu (15) wekuSilveira Mission, kuMasvingo, anotiwo chishuwo chake kuti zvikoro zvose zvepuraimari nesekondari zvinge zvichipa mikana kuvadzidzi kuti vakwanise kudzidza vachishandisa dandemutande (E-Learning).
“Zvimwe zvikoro hazvisati zvave nemakombiyuta akakwana uye zvimwe hazvina zvachose, kana magetsi chaiwo.
“Tinoda kuti gore rinouya zvinhu zvakadai zvinge zvichigadziriswa senzira yekusimudzira dzidzo,” anodaro.
Mashoko ake anotsinhirwa naAshton Mujahwu (14) achiti vadzidzi vanofanirwa kubvumidzwa kuve nenhare muzvikoro nekuti dzinobatsira muzvidzidzo kuburikidza nekushandisa dandemutande mutsvakiridzo.
Takudzwa Huku (14) wepaSt Patricks High, kuNyanyadzi, anoti dzidzo yakafamba zvakanaka temu yadarika uye ari kutarisira kuona zvimwe chetezvo gore rinouya.
Nyaradzai Mashaninga (15) wekuSt Magadalene, kuNyanga, anotiwo zvakakosha kuti vabereki vaone kuti vana vavo havasangane nezvimhingamipinyi pavanovhara zvikoro sezvo vamwe vanodzidza kumabhodhingi vanopedza nguva huru vakagara pazviteshi zvemabhazi muHarare vashaya kwekuenda nekuti vanenge vasina mari kana vanovatambira.
Tinotenda Marongedza (16) wepaNyamuzuwe High zvakere, anotizve chishuwo chavo sevadzidzi kuti vafambirane nenguva kuburikidza nekudzidza vachishandisa makombiyuta.



