Muchaneta Chimuka
VADZIDZI nevarairidzi vepaChitindiva Primary School, kuHurungwe, vari parumananzombe zvichitevera kuparadzwa kuri kuitwa chikoro chavo nemuchenje izvo zvave kuisa upenyu hwavo panjodzi yekudhirikirwa. Kwayedza yakashanyira chikoro ichi nguva pfupi yadarika ndokuona mapuranga nemidhuri zvaparadzwa nemuchenje izvo zvave kukonzera vadzidzi kuti vafundire panze nekutya kuwirwa.
Mutevedzeri wemukuru wechikoro ichi, Mai Lilian Muganyi-Govera, vanotsinhira nezvedambudziko ravakatarisana naro vachiti upenyu hwevana nevararidzi huri panjodzi.
“Ndinofara zvikuru kuti mauya pano kuti muzozvionera moga. Chokwadi ndechekuti pano paparara munyaya dzezvivakwa rinova dambudziko guru rakatarisana nevadzidzi zvose nevarairidzi.
“Mamwe makirasi ari kutoiswa matenga tichishandisa simbi nekuti muchenje wakadya mapuranga ose. Pamusoro peizvi, mumakirasi mazara makomba, kusanganisira zvidziro zvinoshandiswa nevadzidzisi pakunyora zvakatsemuka.
“Midhuri yose yechikoro iri padyo nekudonha. Tiri kuchema kuti kudai tawaniswa zvekushandisa zvakakwana kuitira kuti fundo ifambire mberi zvakanaka,” vanodaro Mai Muganyi-Govera.
Vanoti kusabhadhara mari yechikoro kuri kuitwa nevabereki ndiko kumwe kuri kuwedzera matambudziko avakatarisana nawo sezvo pachidiwa mari yekuvandudza zvivakwa izvi.
“Vabereki vemuno vazhinji vacho havadi kubhadhara mari yechikoro. Takamboda kushanda pamwe chete naMambo Chundu, VaAbel Mbasera, kuti varipiswe asi hapana chimuko.
“Mukirasi yeEarly Childhood Development (ECD) tine vana 120 vanosanganisira ECD (A) neECD (B). Vadzidzisi vari kukundikana kuzadzikisa nguva yekufundisa vana ava nekuti vakawandisa uye vamwe vacho vari kupedzisira vave kufundira panze. Izvi zviri kuita kuti vadzidzi vapedzisire vave kudofora.”
Mai Muganyi-Govera vanoti kunyangwe dzimba dzevarairidzi hadzina kumira zvakanaka uye ishoma.
“Varairidzi vari kushandisa makamuri maviri (pamumwe nemumwe wavo) zvinoreva kuti kana vaine vanasikana nevanakomana vanenge vave kushandisa kamuri imwe chete pakurara. Varairidzi vari pano vose vakafundira basa asi nzvimbo dzavari kugara pamwe nekushandira dzinopisa chigumbu nengoni zvinosakisa kuti vamwe vapedzisire vatizira kune zvimwe zvikoro. Mvura yekunwa chaiyo idambudziko nekuti chibhorani chemuno chakafa,” vanodaro.
Mambo Chundu vanoti kuburikidza nekushanda nesangano rinomirira vakadzidza pachikoro ichi, reChitindiva Old Students Association, vari kutarisira kuzovaka dzimwe dzimba dzekufundira, kugadzirisa chibhorani, kukomberedza chikoro nemudhuri pamwe nemagetsi.
“Tinoda kuti magetsi ave muzvikoro kuitira kuti vadzidzi vakwanise kushandisa makombiyuta nekuti ndirwoka ruzivo rwechizvino-zvino rwunofanira kutekeshera kunyangwe muzvikoro zvakasaririra kumaruwa. Tinoda kuti vana nevarairidzi vedu vafambirane nenguva,” vanodaro.



