VASHANDI vemumigodhi, kusanganisira makorokoza, vane mikana yakakura yekubatwa nechirwere cherurindi (TB) nekuda kwenzvimbo dzavanoshandira idzo dzine huruva nemishonga inokuvadza.
Mashoko aya akataurwa negurukota rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana, Dr David Parirenyatwa, pamusangano wakaitwa nemasangano nemakambani ari munyaya dzezvicherwa muHarare nomusi weChishanu chadarika.
“Hurumende ichaita tsvakurudzo maringe nehudzamu hwechirwere cherurindi kuvashandi vemumigodhi yakanyoreswa neisina kuti vange vachibatsirwa nekukasika.
‘‘Chirwere cherurindi chakatekeshera munzvimbo idzi nekuda kwemamiriro epavanoshandira sezvo panenge paine huruva yavanofema zuva nezuva uye vazhinji vevashandi ava vanenge vasina kuzvidzivirira.
“Kazhinji kacho kana vacheri vezvicherwa izvi vachipinda mumigodhi pfungwa yavo huru inenge iri yekuona kuti mugodhi haudhiriki vachikanganwa nyaya dzeutano hwavo,” vakadaro Dr Parirenyatwa.
Vanoti kunze kwehuruva nemishonga yakaipa yavanofema, denda reAids ndiro rimwe riri kuwedzera huwandu hwevanhu vanorwara neTB munzvimbo dzinoitwa mabasa ezvicherwa.
“Zvichitevera huwandu hwevanhu vanogara munzvimbo dzinoitwa mabasa ezvicherwa, nyaya dzezvirwere zvepabonde neHIV dzinowanda zvakare.
‘‘HIV inodyidzana neTB nekudaro tinoona zvirwere izvi zvakanyanya,” vakadaro.
Vanoti vanhu vanodarika mamiriyoni maviri muZimbabwe vari kuita mabasa ekuchera zvicherwa zvisiri pamutemo zvinova zviri kubatsira mukuwedzera huwandu hwevane TB neutachiona hweHIV munyika.
Dr Parirenyatwa vanoti bazi ravo richashanda pamwe chete nesangano reNational Social Security Authority (NSSA) kuti vavandudze utano pamwe neraramo yevanhu vanoshanda mumigodhi.
“Hurumende ine shungu dzekuona kuti zvicherwa zvacherwa pasina kukanganisa utano hwevanhu. Tinoda zvakare kuona kuti vashandi vemumugodhi vose vashanda zviri pamutemo zvisingaise upenyu hwevanhu panjodzi,” vakadaro.




