CHIKWATA chenhabvu chenyika chemaWarriors chine gomo guru rekukwira apo chichasangana necheGuinea kunhandare yeRufaro, muHarare, mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi eAfrican Cup of Nations 2017 achaitirwa kuLybia sezvo chisati chambochikunda.
MaWarriors ari muboka reGroup L iro rine zvikwata zvinoti Malawi, Swaziland naiyo Guinea.
Chikwata chemaWarriors chakapedzisira kuenda kumakwikwi aya mugore ra2006 paakaitirwa kuEygpt.
Pari zvino maWarriors ane zvibodzwa zvitatu zvichitevera kukunda kwaakaita Malawi 2-1 muna Chikumi mumutambo wekutanga zvikashamisa vazhinji sezvo gadziriro dzawo dzisina kunge dzafamba zvakanaka.
Guinea haina kana chibodzwa nekuti mumutambo wayo wekutanga, yakaridigurwa neSwaziland 2-1.
Zvichakadai, gadziriro dzemaWarriors apo akatarisana nemutambo uriko nemusi weSvondo uyu, dzange dziri mudondo zvakare sezvo vamwe vatambi vanotambira kunze kwenyika, avo vakashevedzwa nemurairidzi Callisto Pasuwa, vakanonoka kuuya. Izvi zvakakonzerwa nesangano reZIFA iro rakanonoka kuvatumira matikiti endege kuti vauye kuzoita gadziiro dzemutambo uyu nenguva.
Apo maWarriors ari kugadzirira kusangana neGuinea svondo rino, Kwayedza yakaita tsvakurudzo yekuda kuona kuti zvikwata izvi pazvakambosangana kare zvakatamba sei. MaWarriors haasati ambokunda Syli Nationale, zita remadunhurirwa rechikwata cheGuinea, kubva mumitambo mina yakambosangana zvikwata izvi.
MaWarriors neSlyi Nationale zvakambosangana mumutambo wekurwira kuenda kuWorld Cup ya2010 yakatambirwa kuSouth Africa uye newa2014 wakatambirwa kuBrazil.
Mumitambo miviri iyo yakatambwa mugore ra2008 yekukwikwidza kuenda kuWorld Cup ya2010, zvikwata izvi zvakaita mangange 0-0. Mutambo wekutanga wakatambirwa kuConakry kuGuinea, wechipiri ukazotambirwa munhandare yeNational Sports Stadium.
Panguva iyi, Jose Claudinei Georgini, uyo anonyanya kuzivikanwa saValinhos, ndiye airairidza maWarriors asi akazodzingwa basa zvichitevera kukundikana kwakaita chikwata chenyika ichi kuenderera mberi
mumutambo uyu.
MaWarriors akazosangana neGuinea zvakare achirwira kuenda kuBrazil World Cup 2014 apo mumitambo miviri pazvakasangana zvikwata izvi maWarriors akakundwa 1-0.
Mutambo wekutanga wakatambirwa muno kuNational Sports apo Ibrahima Traore, uyo anotambira Borussia Monchengladbach yekuGermany, akanwisa. Panguva iyi Rahman Gumbo ndiye airairidza maWarriors.
Zvikwata izvi zvakazosanganazve kuConakry, murairidzi Klaus Dieter Pagels atsiva Gumbo apo maWarriors akakundwa 1-0 zvakare. Mahomed Lamisa Yattara, uyo anotambira Standard Liege yekuBelgium, ndiye akanwisa.
Zvakadaro, svondo rino maziso ose achange ari pana Pasuwa achida kuona kuti ndiye achaita murairidzi wekutanga here kukunda Guinea.
Kunyangwe hake achigara achigunun’una nekusabhadharwa mari yake yemuhoro nenguva, zviri pachena kuti Pasuwa akazvipira kuona maWarriors achibudirira mumitambo yawo.



