‘Temai maguni’

SANGANO reTobacco Industry and Marketing Board rakayambira varimi kuti vateme maguni efodya yavakarima mwaka wadarika sezvo iri mhosva kana vakasadaro kusvika panguva yakatarwa yemusi wa31 Chivabvu gore roga-roga.

Chamangwiza weTIMB, VaAndrew Matibiri, vanoti maguni aya anofanirwa kunge akatemwa parizvino zvichitevera  kutanga kudyarwa kuri kuitwa nhondo dzemwaka unotevera. Vanoti pasi pemutemo wePlant, Pests and Diseases Act Chapter 19.08 maguni efodya anofanirwa kunge achiparadzwa nenguva yakatarwa.

“Tinotarisira kuti maguni emuminda yefodya anofanirwa kunge atemwa ose panosvika musi wa15 May. Izvi zvinoitirwa kuti zvirwere zvinenge zviri muminda zvisapambire kubva mune mumwe mwaka kuenda mumwaka mutsva unotevera. Izvi zvinotariswa zvakare neveArex pamwe neTobacco Research Board (TRB),” vakadaro.

Vakakurudzira veruzhinji vanenge vaona varimi vasina kuparadza maguni aya kuti  vamhan’are kubazi reResearch and Specialist Services kunoongororwa zvirwere zvezvirimwa kana kumahofisi eArex. Varimi vakayambirwa kuti vanotadza kutevedza mutemo uyu vanokwanisa kuripiswa mari yakawanda zvikuru.

“Kupara mhosva idzi kunodaidza mari inoita US$100 pahekita yoga-yoga uyewo zvinogona kuita kuti murimi aende kujeri kwenguva inogona kuita gore,” vakadaro Dr Matibiri.

Vakati varimi vanoramba vachipara mhosva dzakadai miripo yacho inokwira kusvika US$200 pahekita yoga-yoga.
“Zvakadai, tinoda kuzivisa varimi kuti zuva rekutanga kudyara nhondo dzavo pamibhedha musi wa1 Chikumi kusvikawo musi wa1 Gunyana  apo vanodzura nhondo idzi vachiisa muminda yavo,” vakadaro Dr Matibiri. Zuva rekupedzisira rekuzoparadza mibhedha yenhondo iyi musi wa31 Zvita gore roga-roga.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×