‘Tenga mapamper’

NYAYA yema‘pamper’ ekupfekedza mwana iyo yaive pakati pemukadzi nemurume yakazoita kuti vasvitsane kudare mudzimai uyu achida $200 yemendenenzi yekutenga ma’pamper’ aya.

Fortunate Chiwashira akaendesa Tapiwa Chipunza kuHarare Civil Court achida mari yekuti mwana apfeke zvakakwana.

“Murume uyu akandiitisa mwana asi haachadi kumuriritira, hameno kuti anoti ndoiwanepi mari yacho. Izvozvi mwana haasi kupfeka zvakakwana nekuti inini handisi kuenda kubasa. Iye dai andipawo $200 yekuriritira mwana,” akadaro.

Akati mari yakawanda yacho aida kuitengesa ma’pamper’ ekupfekedza mwana sezvo achida akati wandei kuti apedze mwedzi.

“Izvozvi mwana atosarirwa nemashoma zvekuti zvichandinetsa kupedza mwedzi watatarisana nawo uyu. Imwe mari yacho ndoda kuishandisa kubhadhara rendi yepandinogara nekuti ndisati ndava nemwana akati achandichengeta kusvika mwana akura,” akadaro Chiwashira.

Chipunza akaudza dare kuti haakwanise kubvisa mari inodiwa naChawashira sezvo aine mumwe mukadzi nemwana.

“Amai ava vari kungoona divi ravo chete. Hakuna kusingadiwi ma’pamper’. Mukadzi wandinaye izvozvi ane mwana anongodawo ma’pamper. Iye haasi kuona kuti ndine mumwe mukadzi anoda kuriritirwawo saiye?” akadaro.

Akati haawane mari yakawanda sezvo achihoreswa maringe nemashandiro aanenge achiita.

“Mari yaari kutaura iyi yakawandisa nekuti handiwani mari yakawanda kwandinoshanda. Ndinopihwa mari maererano nekushanda kwandinenge ndaita. Ndine vanin’ina vanguwo zvakare vandiri kubhadharira mari yechikoro. Inini ndinokwanisa kumupa $50,” akadaro Chipunza.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×