Tete nemuroora vakarwira R3

Kudakwashe Chinokuya
NYAYA yekurwira chikwereti cheR3 pakati pemuroora natete yakazopera kudare redzimhosva. Tariro Chada akamhan’arira Fatima Mapiti uyo anove hanzvadzi yemurume wake kuHarare Civil Court. Chada akati Mapiti anogara achimushungurudza pabasa pake. “Vanogara vachiuya pamusika pangu vachindinetsa zvinova zvinovhiringa kufamba zvakanaka kwebasa rangu. Vanonditukirira zvinyadzi vachiti ndakadyisa hanzvadzi yavo mupfuhwira. Zvose izvi vanozvitaura pane vana iri nyaya inondirwadza kuti satete vanozopa rairo yakadii kwavari,” akadaro. “Vakatora zvinhu pamusika wangu vakaramba kubhadhara vachiti imari yehanzvadzi yavo inotenga zvandinotengesa. Ndakaenda kumba kwavo ndichibvunza mari yangu vakandiudza mashoko anogara moyo. Vakanditi ndiri pfambi ndinoda kudya mari yehanzvadzi yavo. Vakandiudza mashoko erufu zvekuti ndava kutotya.”

Mapiti akati zvose zvaitaurwa haazvizive. “Nyaya yandinoziva ndeyekuti takanetsana tikarwa asi takazoyananiswa nemapurisa. Pamusika pake ndakatora zvinhu zveR3 chete. Handizive kuti ndiyo nyaya yaangaudza dare isina basa rose. Zviri zvekuti anoda gwaro rerunyararo handipikisane nazvo, mupei tigoona kuti zvinogumira kupi,” akadaro.

Mutongi Barbra Mateko akapa Chada gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×