Tengesai fodya makachenjera

MWAKA wekutengeswa kwefodya wakatanga nemusi weChitatu svondo rino uye wakasiyana zvikuru nemamwe makore adarika nekuda kwechirwere chatekeshera pasi rose cheCovid-19.

Gore rino mamiriro ezvinhu kumisika inotengeswa fodya akasiyana nemakore adarika sezvo kumisika iyi kusiri kudiwa vanhu vakawanda senzira yekudzivirira kupararira kwecoronavirus iyo inokonzera Covid-19.

Makore ose, kumisika yefodya kunozivikanwa nekuwanda kwevanhu vanosanganisira varimi nevamwe vanhu vanotengesa chikafu, midziyo yekurimisa nezvimwewo.

Vamwe varimi makore adarika vaitoenda kumisika yefodya vari mhuri yose kana kuti murume nemudzimai wake vachinogarira kwesvondo rose vakamirira kutengesa fodya yavo.

Asi, gore rino masamba asiyana sezvo kumisika iyi kuri kudiwa vanhu vashoma-shoma.

Makambani anotengesa fodya akatorawo matanho akasiyana nedonzvo rekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Matanho aya anosanganisira kuona kuti vashandi vemakambani aya nevarimi vawaniswa ma”mask” nemagorovhosi zvekupfeka nechinangwa chekurwisa kupararira kwecoronavirus.

Kunze kwazvo, mumakambani anotengesa fodya aya mune makiriniki ekurapa vanenge varwara uye mizinda yekuisa vanofungirwa kuti vangangadaro vabatwa neCovid-19.

Mamwe emakambani aya zvakare, kunze kwekutengesera fodya muguta reHarare, akavhura mimwe mizinda yekutengesera chirimwa ichi kumatunhu enyika anosangasira Rusape neKaroi.

Chinangwa chikuru ndechekuti varimi vasaungane panzvimbo imwe chete nedonzvo rekurwisa kupararira kweCovid-19.

Varimi zvakare vari kukurudzirwa kuti vasaite zvikwata-zvikwata apo vanenge vachitengesa fodya yavo.

Pamusoro pezvo, varimi vane mabhero asingadarike 100 havazi kutenderwa kupinda mumusika asi kuti vachadoma mumuriri wavo anoshanda kukambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) uyo achazovatengesera fodya iyi.

Kune vamwe varimi vanogona kufunga kuti matanho ose ari kutorwa aya inzira yekuvaomesera kuti vasatengese fodya yavo vakasununguka.

Asi, kwete chinangwa chikuru ndechekuchengetedza upenyu hwavo nekudzivirira kupararira kwecoronavirus.

Nerimwewo divi, kuipa kwechimwe kunaka kwechimwe.

Tinodaro nekuti makore ose varimi vefodya vanogarochema nekuda kwemakoronyera anovatambudza pamwe chete nemakororo anovabira mari nezvimwe zvinhu zvavo.

Varimi vanooneswa pfumvu zvakare nevamwe vanhukadzi vanoita basa rekutengesa miviri yavo avo vanozopedzisira vavabira.

Asi, mwaka uno matambudziko ose aya anenge ari mashoma zvikuru sezvo kumisika yefodya iyi kusiri kudiwa vanhu vakawanda.

Zvakakosha kuti varimi vabatsire mukurwisa kupararira kweCovid-19 kuti vazokwanisa kudzokera kuminda zvakare mushure mekutengesa fodya yavo.

Chirwere ichi chiriko uye chiri kuuraya zviuru nezviuru zvevanhu pasi rose nekudaro ibasa remunhu wose kudzivirira kuparira kwacho.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *