Ticharonga Cosafa patsva: Destombes

Abel Ndooka
SANGANO reCouncil of Southern Africa Football Association (Cosafa) – iro rinoronga Cosafa Cup – rinoti mitambo yegore rino ichadzoserwa kumashure nekuda kwechirwere cheCovid-19 icho chakakonzera kuti nhabvu imbomira kutambwa kunyika dzakawanda dzepasi rose.

Mitambo yeCosafa Cup yegore rino yange ichifanirwa kutambwa munaChikumi kuDurban, kuSouth Africa.

Asi muhurukuro neKwayedza svondo rino, munyori mukuru weCosafa, Sue Destombes anoti mazuva achatambwa mutambo uyu gore rino achatariswa patsva sezvo pari zvino vanhu vasati vava kutenderwa  kufamba kuenda kune dzimwe nyika nekuda kwecoronavirus.

“Sekuziva kwemunhu wose, chirwere cheCovid-19 chavhiringidza zvakawanda pasi rose. Saka nekuda kwaizvozvo, mazuva achatambwa Cosafa Cup 2020 achasandurwa.

“Cosafa Cup inotambwa panguva iyo mitambo yePSL inenge yapera, saka nekudaro tichamirira kuti mitambo iyi igopera uye hatizive kuti lockdown iyi ichapera rinhi zvekare kuti miganho yenyika inovhurwa rinhi kuti vanhu vagofamba kuenda kune dzimwe nyika,” anodaro Destombes.

Zimbabwe imwe yenyika dzichange dzichitarisirwa kuenda kunokwikwidza kuCosafa Cup uko iine nhoroondo yekuva nyika yakahwina mukombe uyu kakawanda kudarika dzimwe nyika.

Kutaura kuno chikwata ichi chakwanisa kuhwina mukombe uyu katanhatu uye chakapedzisira kuusimudza mugore ra2018.

Gorerakadarika mukombe uyu wakahwinwa neZambia.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *