Tete nemuroora vorwa

Ashley Muchamiri
TETE nemuroora vakamisidzana mudare vachirwira nzvimbo yekurima uyewo nerimwe divi tete vachipomerwa kutsvagira hanzvadzi yavo vamwe vakadzi. Heather Taruvinga akamhan’arira muroora wake Rufaro Forget kuHarare Civil Court.

“Ndava kutotya kugara muimba imwe chete naForget nekuti ndinotya kuti nerimwe zuva anozongomuka andikuvadaza sezvo kava kechitatu achindivimbisa kudaro,” anodaro.

Taruvinga anoti Forget akanodyara muriwo wake paaiva adyara chibage chake. “Muroora uyu akadyara muriwo wake pandaive ndadyara chibage changu uyezve haandikudze satete vevana vake,” anodaro.

Achipawo divi rake, Forget anoti haarambe zvekuti akadyara muriwo paiva padyarwa chibage naTaruvinga. Anoti chiri kunetsa ndechekuti Taruvinga anonotaura zvakashata kumurume wake.

“Tete ava vanonditaura kumurume wangu kuti ndidzingwe pamba uyezve ndivo vanofurira murume wangu kuti anditize achienda kunopfimba vamwe vakadzi,” anodaro. Forget anoti ndiye akagadzira nzvimbo yekurima apo pakazodyarwa chibage naTaruvinga.

“Ndini ndakagadzira nzvimbo inorimwa iyi mushure mekunge murume wangu andiudza kuti tete havadi zvekurima nekuti vanoenda kubasa,” anodaro.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Taruvinga gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *