‘Tinoda maticha eSainzi’

Elita Chikwati

BAZI redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina rinoti rinoda kudzidzisa maticha ezvidzidzo zveSainzi akawanda sezvo ruzivo urwu rwakakosha mubudiriro yenyika.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera nemunyori mukuru mubazi iri, Professor Fanuel Tagwira, apo vaitura hurongwa hwebhajeti ravo regore rinouya kunhengo dzekomiti yedare reParamende inoona nezvedzidzo yepamusoro. Vanoti varairidzi veSainzi vachiri vashoma kwazvo, nekudaro bazi ravo rinoda kuona kuti ravawedzera kana vachinge vawaniswa rutsigirwo rwemari.

Prof Tagwira vanoti kunyika dzakaita seBrazil, Singapore, India neMalaysia – idzo dzakatsigira fundo yeSainzi – dzakabudirira zvikuru.

“Tinotarisira kuti mayunivhesiti nemakoreji edu ange achitiburira vadzidzi vanokwanisa kunzvera panenge paine matambudziko nekupa ruzivo kuti angapedzwa sei. Tinoda kuti dzidzo yezvikoro zvepamusoro inge ichifambirana nezviri kuitwa nedzimwe nyika pasi rose kuitira kuti maindasitiri asimudzirwe,” vanodaro.

Vanoti zvakakosha kuti Hurumende inge ichiisa chikamu che1 percent chemari yeGross Domestic Product (GDP) parutivi yekusimudzira nyaya dzebudiriro neongororo .

“Zimbabwe ine chikamu che94 percent chevanhu vanogona kuverenga nekunyora asi kana pari panyanya dzeruzivo rwekuita mabasa, tichiri pa34 percent. Panofanira kuitwa ongororo yekuona kuti matambudziko aya agadziriswa kuitira kuti nyika isimukire,” vanodaro.

Zimbabwe ine mutemo unochengetedza zvigadzirwa zvayo asi dambudziko rekushaikwa kwedziviriro yekubirwa mabasa aro ndiro guru.

“Mumakore mashanu ari kutevera, tinofanira kunge tabura varairidzi veSainzi 5 000,” vanodaro Prof Tagwira.

Vanoti bazi ravo riri kusangana nematambudziko anosanganisira kushaikwa kwerutsigiro rwemari yevadzidzi, zvekufambisa uye mabhindauko asiri kupera mumakoreji nekuda kwezvikonzero zvakasiyana pamwe nekushomeka kwevashandi vakadzidzira basa sezvo vakafunda vacho vari kutizira kumafuro manyoro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *