Tinoda runyararo: President

Munyori weKwayedza
MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mnangagwa vanoti zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvirambe zvakabatana uye zvichichengetedza runyararo nerusununguko rwenyika.

Vakataura izvi mumashoko avo ekucherechedza kusvitsa kweZimbabwe makore 39 yawana kuzvitonga kuzere.

“Vanhu vedu, vagari vedu uye zvizvarwa zveZimbabwe zvinodada nenyika ino: Chekutanga ngatirambei takabatana, chechipiri ngatirumbidzei runyararo rwedu, chechitatu ngatichengetedzei pose patinenge tiri – siku nesikati – rusununguko rwedu harukwanise kutengeswa.

“Rwakauya kwatiri kuburikidza nekuzvipira. Vakawanda vakoma nevanin’ina vedu nehanzvadzi dzedu vakazvipira upenyu hwavo hunokosha kuti tinge tichifara munyika yakasununguka nhasi uno. Saka tose pamwe chete, ngatichengetedzei runyararo rwedu, ngatichengetedzei nyika yedu, ngatichengetedzei zviwanikwa uye ngativei nerudo nevamwe,” vanodaro President Mnangagwa.

Vanoti zvakakoshawo kuti zvizvarwa zvose zveZimbabwe zvipemberere zuva rekuwana nyika kuzvitonga kuzere gore rino zvisinei nekusiyana kwemapato ezvematongerwo enyika.

Mhemberero huru dzeIndependence dzichaitwa kunhandare yeNational Sports Stadium, muHarare apo dzimwe dzichange dziri kumatunhu akasiyana enyika.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *