Tinopa vana vose mukana – Dokora

GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti bazi ravo rine chirongwa chekuti vana vari kunzvimbo dzakagariswa vanhu patsva neHurumende vawane mukana wekudzidza zvisinei nehushoma hwavo.

Dr Dokora vakataura mashoko aya mudare reSenate nguva yadarika apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMatabeleland South, Senator Tambudzani Mohadi, avo vaida kuziva zviri kuitwa neHurumende kuti vana vari kunzvimbo dzakagariswa vanhu patsva vawanewo mukana wekudzidza.

Sen Mohadi vanoti vamwe vanhu vakagadziriswa patsva vari kure nakure zvakanyanya izvo zvinoita kuti dzimwe nguva pave nechikoro chimwe chete.

Sen Mohadi
Sen Mohadi

“Regai ndipe muenzaniso wechikoro chiri kuBeitbridge chinonzi Chonzeni. Munzvimbo yakagariswa vanhu patsva iyi, ine mhuri 23 dzinogaramo. Vane chikoro chine vana 30 chete.

“Saka nekudaro, pane murairidzi mumwe chete anodzidzisa Grade 1 kusvika Grade 7. Mungatitsanangurirewo here kuti zvikoro zvakadai zvinoshanda sei?” vanodaro Sen Mohadi.

Dr Dokora vanoti Hurumende ine hurongwa hwekuti vana vose, kusanganisira vari kunzvimbo dzakagariswa vanhu patsva, vawane mukana wekudzidza.

“Kazhinji tinoziva dzidzo iyo vana vanoenda kuchikoro kunodzidza zvakazara (formal education). Asi kune imwe nzira zvakare yekuti vana vawane fundo muZimbabwe (non-formal education).

“Pasi penzira iyi, tinoona mudzidzisi mumwe chete kana vaviri vachifundisa magwaro akasiyana, kungava kupuraimari kana kusekondari. Kana kuri kupuraimari, mhando yedzidzo yakadai inosanganisira kufunda munhu ari kumba (correspondence),” vanodaro Dr Dokora.

Vanoenderera mberi vachiti: “Kudzidza nekoresipondenzi kana kuti Open Distance Learning (ODL) kunoitirwa mudzidzi anenge ari kwake oga. Nemamwe mashoko, tiri kuti hazviite kuti maticha mana kana mashanu ange achiendeswa kuti anodzidzisa vana 15 kana 30.

“Saka pakadai tinotumira murairidzi mumwe chete kana vaviri avo vanenge vachishanda sema‘centre co-ordinators’,” vanodaro Dr Dokora.

Vanoti varairidzi vakadai vanowana zvekushandisa kubva kubazi ravo.

“Tine chikamu chinoshanda zvikuru cheCurriculum Development and Technical Services Department. Saka varairidzi vakadai vanotora zvekushandisa kubva kwachiri vachidzidzisa vana vashoma vakaita sevari kunzvimbo dzakagariswa vanhu patsva neHurumende.

“Vana vakadai vanozokwanisa kunyora mazamanishoni pazvikoro zvakanyoreswa zviri pamutemo uye zviri pedyo navo,” vanodaro Dr Dokora.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *