Tipei mukana: Chinomona… ‘Vanhukadzi vanokwanisa kusimudzira mhuri nenyika’

Daphne Machiri
VANHUKADZI vokurudzirwa kuti vashandise mikana yavanenge vawana kuburikidza nekuita mabhindauko anosimudzira mhuri dzavo pamwe chete neupfumi hwenyika.

Kurudziro iyi yakaitwa nemunyori mukuru wemadzimai mubato riri kutonga reZanu-PF (National Secretary for Women Affairs), Cde Mabel Chinomona, apo vaiparura mabhindauko ari kuitwa nevanhukadzi anosanganisira kusona, kurima, kupfuya huku, nyuchi nehove kuWard 5 yekuHwedza nguva pfupi yadarika.

Vanoti zvakakosha kuti vanhukadzi vapihwe mukana wekusimudzira upfumi hwenyika kubudikidza nemabasa emawoko.

“Bazi rinoona nezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana rinofanira kuve nebhajeti remari inoita kuti vanhukadzi vaite mabhindauko anosimudzira mhuri dzavo pamwe chete neupfumi hwenyika,” vanodaro.

Cde Chinomona vanoti vanhukadzi vanofanira kushandisa mikana yavanenge vapihwa kusimudzira upfumi hwenyika.

“Mabasa enyu anodadisa, anodzidzisa vanhukadzi kuti vasamirira vanababa kuti vachengete mhuri. Vanhukadzi tinofanira kushandisa mikana yatinenge tapihwa nekushanda nesimba kuti tisimudzire upfumi hwenyika,” vanodaro.

Muhurukuro naCde Aplonia Munzwerengwi, avo vanova Zanu-PF Women’s League National Political Commissar, vanoti zvakakosha kuti vanhukadzi vawane raramo kuburikidza nemabhindauko akasiyana.

“Madzimai vari kusona zvakaita sembatya dzevana vekuchikoro. Vamwe vari kurima vachiomesa miriwo, kukuya dovi, kurima chibage nekuchengeta zvipfuyo vachitengesa,” vanodaro.

Mutungamiri wemabhindauko aya kuWard 5 yeHwedza, Mai Virginia Chitamba Mangwanya, vanoti vakawana misika yekutengesera zvirimwa zvinosanganisira nzungu, nyimo, dovi nehuchi.

“Chatinoda kupihwa mukana, tinoratidza hunyanzvi hwedu kunyanya takatarisana nemabhindauko anosimudzira upfumi hwenyika tichifambirana nechirongwa chekuvandudza zvirimwa nekusimudzirwa kwemaindasitiri. Tinoda kuti tisvike patinokwanisa kuchengetedza mari, kwete kunotenga kunze zvakaita semafuta ekubikisa, nhumbi dzokupfeka nezvimwe,” vanodaro.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×