Celtic musha wangu: Rodgers

MANEJA weCeltic, Brendan Rodgers, anoti anoshuvira kuzoshanda muEnglish Premier League rimwe zuva asi kwete iye zvino.

Rodgers – uyo ari kunzi anodiwa neArsenal kuti azorairidze chikwata ichi uye achitsiva Arsene Wenger zvichitevera kubuda pachena kwaakaita kuti ari kubva kuchikwata ichi pachapera mwaka uno – anoti anoda kubhadhara rutsigiro rwaakapihwa nebhodhi reCeltic nekuramba achitungamira chikwata ichi kuenda kumberi.

Shasha iyi yasarirwa nemutambo mumwe chete kuti chikwata chake chihwine mukombe wechitatu wegore rino zvichitevera kukunda kwachakaita Rangers 5-0 ndokuhwina mukombe weLadbrokes Premiership Title.

Rodgers asarirwa nemakore matatu pakondirakiti yake uye akabuda pachena kuti haadi kushanda kumwe kunze kwekuCeltic.

Aimbove murairidzi weLiverpool uyu anoti, “Ndakamuka nemusi weMuvhuro kuno mangwanani ndiri maneja weCeltic, zvizivei kuti kuGlasgow kuno kunonakidza.

“Ndiri kurairidza chikwata chandinoda chikuru pasi rose. Ndinoda basa randiri kuita kuno.” – SportsMail Football

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *