KANA uchiziva zvaunoziva, ini ndisingazive zvacho zvaunoziva, hazvireve kuti iwe unoziva kundidarika. Kana ndikafoira zvawabvunza, ndikabuda muzama ndichinge mombe yavhiyiwa ganda iri mhenyu, hazvireve kuti handina chandinoziva, nekuti kuziva hakusi kwemubhuku nebvunzo nemaprofessor chete.
Kune vanonzi nevanoona nezvekuziva vanoziva, zvotiwo vamwe vanonzi havana chavanoziva. Asika, kuziva hakuna saizi sehembe, kuziva hakuna kwepamusoro-soro sendege iri kubhururuka.
Nekuti pakuziva kwake kuti ndiye mambo, Nebuchanezzar haana kuziva kuti mambo anogona kufura pamwe chete nemombe.
Ndingadai ndisingazive kubhururutsa ndege nezvinoreva mabhatani mazhinji endege anenge nyenyedzi kuwanda. Asi ndinoziva zvausingazive nekubhururutsa ndege kwako, nekusanganisa mishonga, nekuporofita kwako nekuti “madzishe mazhinji nemaporofita aida kuona nekuziva zvinhu zvakavanzika zvaMwari, asi havana kuzviziviswa.”
Kana nevarume vakachenjera, vanoziva vakanga vachitsvaga kuti Jesu azvarwa kupi, havana kuziva kuti kune vafudzi vainhuwa ndove, vasingazive kuverenga nyenyedzi vakaudzwa nguva yekuzvarwa kwaJesu, zita rake nenzvimbo yaakanga azvarirwa.
Kana iri nyaya yekuziva, munhu wese anoziva zvaanoziva zvisingazivikanwe nemumwe anozviti anoziva. Saka vanhu hatifanire kutongana nekusarudzana, nekupanana nzvimbo nezvigaro nekuti tine vatinoti vanoziva kudarika vamwe. Handina kuenda kuchikoro cheBhaibheri asi ndiri kudzidziswa naMweya Mutsvene mazuva ese zvekuti ndave kuziva kuti kuziva Mwari ndiko kutanga kwekuziva kukuru kuri kuseri kwegomo redzidzo inopfungaira hutsi.
Shasha dzekuridza nekuimba nziyo muIsraeri dzakasvika padzakaturika zviridzwa mumiti yemikonachando dzikagara pasi dzichichema. Shasha idzi dzaichema kwete nekuti dzakanga dzarohwa, asi kuti dzakakumbirwa nevanhu vakange vadzitapa vakaenda nadzo kunyika yehutorwa kuti dziimbe nziyo dzavaiimba vari kunyika yavo.
Hazvireve kuti vakanga vasingazive nziyo dzavaifanirwa kuimba, asi pane kuziva kusingabatsire vari kuda kuti uvaratidze kuziva kwako nekuti zvaunoziva nezvavanoziva zvinenge zvakatosiyana zvikuru. Vanhu vaida kuimbirwa nziyo nevaIsiraeri vakanga vasingazive kuti nziyo dzevaIsirayeri dzaive nziyo dzekurumbidza Mwari, nziyo dzekutenda, dzekufara nekuti Mwari wavo aivagonera. Asi panguva ino, vakanga vakundwa, vaparadzwa uye guta raMwari wavo rapiswa rikatsokodzerwa. Panguva dzakadaro, zvaunoziva zvinogona kuramba kushanda, kwete nekuti hauzive, asi nekuti unenge wahesvurwa.
Izvi zvakafanana nekurambwa nemunhu wawanga uchida. Unosara wafanana netirauzi risisina zipi, hariite kupfeka nyangwe ukange une andaweya mukati nekuti zipi iyoyo inenge ichichenama ichishevedzera kuvanhu vese vaunosangana navo kuti handipo.
Mumwe munhu akanga achinzi anoziva, zvekuti kana naiyewo akanga achifunga kuti anoziva, asi asingazive kuti haazive. Nekuti akanga achiita zvinhu zvaasingazive kuti haazive, akaramba achifunga kuti anoziva, asi pakazodzingwa basa vaivharidzira kuziva kwaaifunga kuti anako, ndipo pazvakazoonekwa kuti kana nemuromo unoziva nekuti unoshandisa njere dzemashoko ezvausingazive. Kusaziva haisi mhosva, asi mukana wekudzidza.
Variko vanhu vazhinji vakarasikirwa nemabasa avo. Vamwe vavo vakanzi tiri kuda kusara nevanhu vanoziva, asi chokwadi chiripo ndechekuti vanhu ivavo vakadzingwa mabasa vakaenda vachifunga kuti havazive. Asika munhu nemunhu ane chipo kana zvipo zvaakapihwa naMwari zvinomuita kuti asararame ari gomarara pakambani yemuRungu nekusingaperi.
Kupera kwebasa hazvireve kuti hauzive. Kuziva kwako hakudi kuti kuiswe chidhindho nekambani kana naforomani. Chirega kupedza nguva nesimba uchibvunza kuti, “Sei zvakaitika kwandiri?”
Mwari havakotsire, imbovapawo chanzi yekuvaziva, kwete zveminana nekuporofitwa.




