Vatori venhau vopangana mazano kuChina

VATORI venhau vemapoka akasiyana, avo vakabva kuZimbabwe, vari kuno kuChina uko vari kupinda musangano wekudyidzana kwakanaka kweZimbabwe nenyika iyi pamwe nekupangana mazano maringe neruzivo rwutsva rwekufambisa nhau kuruzhinji.

Musangano uyu wakarongwa nesangano reResearch and Training Institute of the State Administration of Press, Publication, Radio, Film and Television yePeople’s Republic of China uye wakatanga nomusi wa14 Gunyana uchitarisirwa kupera musi wa2 Gumiguru.

Vachitaura pamusangano uyu nemusi weChipiri svondo rino, VaYang-Mingpin, avo vanova mutevedzeri wemukuru wechirongwa ichi, vakarumbidza hukama hwakanaka huri pakati peZimbabwe neChina.

“Tinofara zvikuru kuti tine vatori venhau vekuZimbabwe avo vakafamba rwendo rurefu kuuya kuno kuti tizopangana mazano anounza budiriro, zvikuru munyaya dzekufambiswa kwemashoko,” vanodaro VaYang-Mingpin.

Vanoti munyika yeChina, hurumende ndiyo inoona nezvemafambisirwo enhau. “Izvi zvinogona kushamisa vanhu vakawanda kuti sei hurumende ichikwana munyaya dzenhau asi kuti inorwira kuchengetedzwa kwetsika nemagariro evanhu kuti zvisayeredzwe nedzimwe tsika dzinobva kunze,” vanodaro. Vanoti kunyangwe nyaya dzekushambadzwa kwezvinhu mumapepanhau nenhepfenyuro uye masaisai epadandemutane, hurumende yavo inotarisa zvose izvi.

VaYang-Mingpin vanoti chikamu che50% chevanhu vari muChina chine mikana yekuona terevhizheni dzine zvikamu zvinosvika 60 (channels).

“Mugore ra1998, hurumende yeChina yakaparura chirongwa chinodaidzwa kuti ‘Village to Village’ icho chine donzvo rekuwanisa vanhu vekumaruwa nevari munzvimbo dzakasaririra mashoko. Hurumende yeChina yakabva yapa materevhizheni kuvagari vekumaruwa pachena kuitira kuti vaone zvirongwa zvine chekuita nebudiriro yavo pachena.”

Vanoti China ine vanhu 433 miriyoni vari kushandisa dande-mutande reOnline, 313 miriyoni vachishandisa mobile video uye zvirongwa zve”digitalization” zvave pachidanho chepamusoro nechikamu che82%.

Zvakadai, vatori venhau vekuZimbabwe vachawaniswa mikana yekushanyira nzvimbo dzinosanganisira CNTV, (new media department of the CCTV), China Film Museum, Great Wall, Wu Han City, New Media Enterprise of Hubei Radio and TV, Hubei Daily Media Group, Yellow Crane Tower and Lake Science Area neTemple of Heaven.

 

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×