‘Tiri kugadzirisa nyaya yepeturu’

Felex Share
HURUMENDE inoti zvimhingamipinyi zviri kusanganikwa nazvo panyaya yekuwanikwa kwemafuta edzimotokari zvichagadziriswa mumazuva mashoma ari kutevera.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet, gurukota rinoona nezvehomwe yenyika, Professor Mthuli Ncube, vanoti Hurumende iri mushishi kutora matanho ekugadzirisa kushomeka kwepeturu nedhiziri.

Zvimwe zviteshi zvemafuta aya (service stations) zvange zvisina mafuta kwemazuva mashoma adarika izvo zvaona mitsetse yedzimota ichivamba.

“Tine ruzivo pamusoro pezvimhingamipinyi zviri kusanganikwa nazvo panyaya yemafuta edzimota uye izvi zvine chekuita nenguva inotorwa pakubhadhara mari nekuzounzwa kwemafuta aya,” vanodaro Prof Ncube.

“Ndinofara kuti tsamba (letters of credit) nedzimwe nzira dzekubhadhara mari zvavepo kuitira kuti mafuta edzimota avepo, asi panogona kuve nekunonoka kwekuwaniswa kwemafuta aya zvichikonzerwa nechinhu chimwe kana zviviri.

“Nyaya iyi inofanira kugadzirisika mumazuva mashoma ari kutevera. Tinotarisira kuti tive nemwoyo murefu.”

Prof Ncube vanoti Zimbabwe yakatarisana nedambudziko rekushomeka kwemari yekunze.

Kushomeka kwemafuta ezvekufambisa kuri kukonzerwa nekunetsa kuri kuita kuwana mari yekunze iyi uye apo painezenge yawanikwa, zvinotora nguva kuti mafuta aya atakurwe kuendeswa kuzviteshi kwaanotengeserwa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *