‘Todawo mari dzeCovid-19’

Abel Ndooka
JAPHET “Short-Cat” Mparutsa anoti sangano rinotungamira nhabvu reZimbabwe Football Association (Zifa) rinofanirwa kurangarira shasha dzakambonetsa mumutambo uyu kuburikidza nekudzibatsira kuti dziwane raramo munguva ino yekuoma kwezvinhu apo nyika yakatarisana nekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Achitaura ari kunyika yeEngland uko kwaanogara, Short-Cat anoti nekuda kwecoronavirus, vanhu vapinda munzara, kunyanya shasha dzakambonetsa dzichitamba nhabvu kudaro vanofanirwa kurangarirwa nebasa ravakabata vachimirira nyika.

“Chokwadi madhara mazhinji ari panzara nekudaro nebasa ravakabata vanofanirwa kurangarirwa uye Zifa inoziva vanhu vese kuti varipi saka inofanira kupota ichivakandirawo tumbichana twekuti vabatsirikane muhupenyu hwavo panguva ino zvinhu zvakaoma,” anodaro.

Short-Cat, uyo aibata sekatsi mazuva aaitambira Dynamos, Black Rhinos nemaWarriors zvakaita kuti azotumidzwa zita remadunhurirwa iri, anoti vanhu havana kumbobvira vakatarisira kuti magariro avo achashanduka nekuda kwechirwere ichi.

“Mararamiro edu ashanduka zvikuru nekuda kwechirwere ichi, tave kutorarama hupenyu hutsva uye  tinofanirwa kutevedzera zvose zvinodiwa kuti tirambe tichirarama,” anodaro.

Zvakadaro, mutauriri weZifa, Xolisani Gwesela anoti sangano ravo harisati rambotambira shoko rekuti pane shasha yakambonetsa ichitamba nhabvu iri kutambudzika zvikuru uye ndokuti kana pane vari kudya nhoko dzezvironda vasvike kumahofisi avo voona kuti vanovabatsira sei.

Asi, anokurudzira vatambi venhabvu kuti panguva yavanenge vachitamba mutambo uyu vachengetedze mari yavo zvakanaka kuitira kuti remangwana vazokwanise kurarama.

“Isu hatina munhu akaita mukurumbira wekutamba nhabvu akambouya kwatiri achiti ari kuona nhamo muhupenyu hwake uye kana varipo ngavauye kumahofisi edu tigoona kuti tobatsirana sei?

“Asi, kurudziro yedu ndeyekuti kana vapedza kutamba nhabvu ngavasangogare kudzimba, ngavatsvage zvimwe zvekuita munhabvu zvakaita sekuraidza nekuridza pembe chaiko. Isu tinovabatsira kuti zviendeke vagobatsirikana.

“Uye chimwe chinhu chikuru, paye kana vachitamba nhabvu mari dzavanenge vachiwana ngavadzichengetedze vachitangisa tumabhizimisi tunovabatsira muhupenyu hwavo,” anodaro Gwesela.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×