Tonga neNambya zvonyorwa pabvunzo dzeO-nea-Level

MITAURO yeTonga neNambya ichange yave kunyorwa pabvunzo dzeZimsec dzeO- neA-Level kutanga gore rinouya zvichifambirana nebumbiro idzva remutemo wenyika, iro rine donzvo rekuona kuti mitauro yose yevanhu vatema muZimbabwe yakosheswa.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera muHarare negurukota rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Lazarus Dokora, pamusangano wekunzvera nyaya dzekuvandudzwa kwedzidzo (curriculum review) wavakaita nechikwata chenhengo nhanhatu idzo dzakadomwa kuti dzitungamirira chirongwa chekuona mamiriro akaita dzidzo munyika.

“Mitauro haifaniri kuve nemiganhu kana kukonzera kurwisana asi kuti inofanira kuumbiridza dzidzo. Mitauro yatinayo munyika muno igumi nemitanhatu uye tiri kutora matanho ekuti inge ichinyorwa mubvunzo,” vakadaro Cde Dokora.

Vakati kunze kweTonga neNambya, mimwe mitauro ichazenge ichinyorwa pabvunzo inosanganisira Venda neShangani.

“Tinoda kuita izvi nehungwaru pashoma nepashoma kusvikira zvabudirira,” vakadaro.

Mutauro weTonga wakatanga kucherechedzwa zviri pamutemo gore rapera mubumbiro idzva remutemo reZimbabwe pamwe nemimwe yakaita seChewa, Chibarwe, Chirungu, Kalanga, Koisan, Nambya, Ndau, Ndebele, Shangani, Shona, Ndebele, mitauro yemasaini, Sotho, Tswana, Venda neXhosa.

Bumbiro remutemo reZimbabwe (Amendment N0.20) rinocherechedza mitauro 16 kusiyana nezvaiitwa mumakore adarika apo paikosheswa Chirungu, Shona neNdebele bedzi.

“Tinoda kusimudzira mitauro yedu tichiipinza muchikamu chedzidzo. Tinoda zvekare kuisa zvidzidzo zvesainzi mumitauro yedu kuitira kuti tinge tichichengetedza tsika nemagariro edu,” vakadaro Cde Dokora.

Bumbiro remutemo wenyika raivepo nguva yadarika raisusukidza mitauro yeShona, Ndebele neChirungu uye bvunzo dzainyorwa dzemitauro mitatu iyi chete. – The Herald.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×