Tongai ‘Chirandu’ Tarubona odzoka mudariro

MUIMBI weAfro-Pop Jazz, Tongai ‘Chirandu’ Tarubona anoti ari kuumba patsva chikwata chake cheThe Black Identity apo ari kutarisira kutanga kuita mashoo munguva pfupi iri kutevera.

Kubva Chirandu paakatanga kutsikisa mhanzi, akange asingaridze kumashoo nekuda kwekubatikana nebasa rake uye panguva iyi akakwanisa kuparura madambarefu matanhatu.

Chirandu, uyo ari kupisa parizvino nekambo kanonzi Monica kari padambarefu rake rekupedzisira – Shambakodzi – anoti gore rino ari kuda kusimbisa zita rake muindastiri yemhanzi nekutanga kuita mashoo.

“Kubva pandakatanga kutsikisa mhanzi ndange ndichingoburitsa chete ndisingaridze kumashoo asi yasvika zvino nguva yekuti ndichitange kuridza nekuti vatsigiri vangu vanzwa nekumirira.

“Ndakagara pasi ndikaongorora indastiri yedu yemhanzi iyi ndikaona kuti semuimbi unofanirwa kunge une mhanzi yako yaunoridza kumashoo. Haufanirwe kuridza yevamwe saka ini ndakamirira kuti mhanzi yangu iwande kuti ndizopote ndichiiridza kumashoo. Ndiri kuvaka patsva chikwata changu nekuti gore rino tiri kuuya zvine morarari,” akadaro Chirandu.

Vatsigiri vemhanzi vanoziva Chirandu nenziyo dzakanetsa zvikuru dzinosanganisira Stress, Zvatosvorana naMaminimini Pakirawa.

Parizvino Chirandu ari kubika mavhidhiyo enziyo dziri padambarefu rake rekupedzisira – Shambakodzi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *