Totokunya: Katsande

. . . tinofanirwa kutanga nekuzvambura Algeria: Malajila

     VATAMBI vemaWarriors avo vanovazve vatungamiriri vevamwe muchikwata ichi vanoti kaputeni Willard Katsande nemutevedzeri wake, Cuthbert Malajila, vanoti vanotofanirwa kusunga dzisimbe apo vatarisana nemutambo weAfrican Cup of Nations (Afcon) uyo uchatanga kuGabon kutanga musi wa14 Ndira.

MaWarriors ari muboka rakaoma zvikuru rine zvikwata zvinoti Algeria, Tunisia neSenegal.

Vatsigiri veZimbabwe vakangobatira hana dzavo mumawoko vachida kuona kuti murairidzi wemaWarriors, Kalisto Pasuwa, nechikwata chake vachazvifambisa sei kumutambo uyu.

Asi muhurukuro naKatsande naMalajila svondo rino vanoti iye zvino yasvika nguva yekuti nyika yose ichivatsigira kuti vakwanise kuenda kunobata basa sebasa kuGabon.

Vatambi vaviri ava vanoti morari muchikwata chavo parizvino wakasimuka zvekuti dzimwe nguva vanenge vachikurukura nyaya dzehupenyu dzisinei nezvenhabvu izvo zvinorakidza rudo ruri pakati pavo.

Katsande anoti maWarriors ari kuda chaizvo rutsigiro kubva kunyika yose.

Anoti ino haisisiri nguva yekushoropodzana kana kutsvagirana chakaipa, asi inguva yekuti mutsigiri wose wemaWarriors atsigire matanho anenge atorwa naPasuwa pabasa raachabata uye nechikwata chaanenge adoma chekuenda nacho kuGabon.

“Tiri mhuri imwe muchikwata chedu takabatana uye ndizvo zvimwewo zvatiri kuda kubva kunyika yose. Titsigirei zvakasimba pane zvose zvatichabata, tinoda rutsigiro rwenyu nerudo rwenyu.

“Hatichadi zvekungoshoropodza pasina, kungoda kutsvaga zvakashata chete. Bodo toda rutsigiro chairwo, basa rifambe,” anodaro Katsande.

Anoenderera mberi achiti chikwata chavo chine vatambi vepamusoro zvekuti vanogona kunoita zvinorova kuGabon.

Zvakadaro, Malajila anoti mutambo wavo wehushamwari neCameroon svondo rino uchavabatsira kunyatsokwenenzvera gadziriro dzavo.

Cuthbert Malajila - (Mifananidzo: Wilson Kakurira)
Cuthbert Malajila – (Mifananidzo: Wilson Kakurira)

“Tine vatambi vane tarenda rinonwisa mvura vari muchikwata chedu uye tinongofanirwa kuterera zvatinenge tichidzidziswa nemurairidzi wedu Pasuwa kuti tisvike kure.

“Mutambo wedu neCameroon wehushamwari ndiwo uchatirakidza kuti tagadzirira kusvika papi saka wakakosha zvikuru,” anodaro.

Malajila anoti chikwata chavo chiri kufanirwa kutora zvibodzwa zvose zviri zvipfumbamwe muboka ravo.

Mutambo wavo wekutanga neAlgeria, anodaro Malajila, wakakosha zvikuru uye uchavarakidza zvakawanda zvemuboka ravo.

“Kana tichida kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka tinofanirwa kuhwina mitambo yedu yose yemuboka redu, kutora zvibodzwa zvitatu pamutambo wega-wega watichatamba.

“Tinofanirwa kutanga nekuzvambura Algeria, ndiwo mutambo wakanyanya kukosha wekutanga. Hatifanirwe kutanga nekubva tarasa zvibodzwa,” anodaro Malajila.

Mutambo wemaWarriors wekutanga neAlgeria uchatambwa musi wa15 Ndira  kunhandare yeStade de Franceville, kuFranceville.

Mumutambo wechipiri, chikwata chenyika ichi chichatatsurana neSenegal musi wa19 Ndira kunhandare yeStade de Franceville zvakare  kozoti mune wekupedzisira maWarriors achatamba neTunisia kuStade deI’Amitie kuLibreville.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *