Toure, Bony, Mangala votengeswa

MANCHESTER City iri kuedza nepainogona kutengesa vatambi vayo vatatu mwedzi uno kuti ikwanise kutenga vamwe vatsva. Pep Guardiola anoda kutenga mubati wepagedhi weBarcelona, Claudio Bravo, uye zviri kuzivikanwa kuti mutambi uyu ari kuda chaizvo kuuya kuchikwata ichi. Asi City inoziva kuti inofanirwa kutsvaga vanokwanisa kutenga vatambi vayo vasisachadiwe kuti vagadzirise pavari kuda. Kana vakakwanisa vanoda chaizvo mumwe mutambi wekumberi.

Yaya Toure, Wilfried Bony naEliaquim Mangala ndivo vatatu vachabva kana pakawana vanoda kuvatenga mushure mekunge vasiiwa svondo rino muchikwata chakatamba mumutambo weChampions League neSteaua Bucharest.

Toure anonzi akazvipira kubva kuchikwata ichi kunyangwe hazvo mumiriri wake, Dimitri Seluk, achiti kuti mari yake yaanotambira idzikiswe anoda kutanga abhadharwa imwe yose neCity.

Toure asarirwa negore rimwe chete izvo zvichamuona achitambira £230 000 pasvondo uye anogona kuramba ari kuchikwata ichi achirwira chinzvimbo chake. Akamboramba mukana wekuenda kuChina sezvo achida kuramba achitambira muEurope.

Vamiriri vaBony vange vachimhanya-mhanya mwedzi yadarika vachitsvaga kuti obva sei kuchikwata ichi uye svondo rino vari kuNorth West. Mangala ane zvimwe zvikwata zviri kumuda kumutenga nechikwereti zviri kunze.

City inozviziva kuti haikwanise kudzokera kunotenga vamwe vatambi kana isati yatengesa vamwe, uye panga pane hurukuro yekuti kana vatenga John Stones kubva kuEverton havachatenga zvakare. Vachatarisa kuti vatenge mumwe mutambi wekumberi kana vakakwanisa kutengesa Bony mumasvondo maviri anotevera.

“Ndinoziva Yaya kubva kuBarcelona, matambiro aanoda kuita nhabvu,” Guardiola akadaro. “Ndinoziva chaizvo matambiro aanoita nhabvu, iye anoziva kuti sei ange asiri muchikwata, asi ndinotaura nevatambi kuti vandiudze kuti sei vachitamba nenzira dzakasiyana kudai,” — Daily Mail Football

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *