Mbavha yakaruma mupurisa

Muchaneta Chimuka
MURUME wechidiki wekwaSeke anonzi akaruma mupurisa ndokumutunga nemusoro mushure mekunge mapurisa aenda kumba kwake vachida kunomusunga nemhosva yekupaza imba nekuba. Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates Courts, Takunda Mutetwa, akati Trevor Makombe (27) adzoke kudare apo kutongwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi.

Makombe ari kuramba mhosva yekuruma mupurisa pamwe nekumutunga nemusoro. “Ini handina kumboruma mupurisa kana kumuhedha ini. Asi kuti ndakangotaurira mapurisa akange andiisa cheni mumawoko kuti vakange vadzisunga zvakanyanya nekuti dzairwadza sezvo ndiri munhu ane ruwoko rwakatyoka,” Makombe akaudza dare.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa23 Chikunguru gore rino munguva dzemanheru, pane nyaya yekupazwa kwedzimba nekubiwa kwemidziyo yakamhan’arwa paCharakupa Police Base, kuDema.

Pakumhan’arwa kwenyaya iyi, Makombe akanzi ndiye akange apaza imba inochengeterwa midziyo ndokuba 90 kgs imwe chete nemamwe ma50 kgs matatu echibage. Nyaya iyi inonzi yakamhan’arwa kuna Constable Trymore Kamba muzuva rakatevera.

Const Kamba naConst Marakata vakanoona panzvimbo yakapazwa vachibva vazopfuurira kuenda kumba kwemusungwa. Vakamuwana aripo ndokumuudza nezvenyaya iyi, vachibva vamusunga necheni.

Mushure mezvo, Makombe anonzi akataurira mapurisa aya kwaakange aviga chibage chaanonzi akaba. Vari munzira kuenda kwainzi ndiko kwaive nechibage ichi, Makombe anonzi akaudza mapurisa kuti cheni dzaainge akasungwa nadzo dzakange dzakanyanya kubata zvikaita kuti Const Marakata vadzisunungure rumwe rutivi senzira yekuti dzisanyanya kumubata.

Pakarepo, anonzi akabva atanga kushandisa chisimba nehasha achimhanya ndokuruma ruwoko rwerudyi rwaConst Kamba achiedza kuvatunga nemusoro. Zvisinei, anonzi akakundikana ndokutunga madziro emba ichiri kuvakwa inova yaanonzi akange aviga chibage ichi. Mapurisa maviri aya akazomubatirana ndokumusunga vachibva vaenda naye kukamba yekuDema.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *