‘Tsigirai Gender Commision Bill’

MUTSVANGWA MONICA  (1)
Muchaneta Chimuka

MUTEVEDZERI wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko nezvekutepfenyura, Cde Monica Mutsvangwa, vanoti madzimai ose ari nhengo dzedare reParamende anofanira kutsigira mutemo uri kuda kukumikidzwa uyo unoona nezvenyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume, weGender Commision Bill.

Vakataura mashoko aya nguva pfupi yadarika kuKadoma pamusangano wakaitwa nesangano reZimbabwe Women Lawyers Association (ZWLA). “Tinoda kuti madzimai munge muchibatana senhengo dzeParamende kuitira kuti muve vanhu vanorwira chinhu chimwe chete maringe nenyaya dzenyu zvinova zvinoita kuti chirongwa ichi chizadzikiswe. Tinoda kubatana pasina kutarisa kuti uyu ndewebato ripi kuitira kuti tibudirire,” vakadaro Cde Mutsvangwa. Vakati donzvo ravo nderekuti vange vachifambirana nezviri mubumbiro idzva remutemo wenyika pakurwira kodzero dzevanhukadzi.

“Ibasa remadzimai ari muParamende kuti akotsvere chirongwa ichi kuitira kuti Gender Commission Bill ringe richizopasiswa kuti rive mutemo. Chirongwa ichi chakaparurwa mumwedzi waChikunguru gore rapera,” vakadaro.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, Deputy Speaker wedare reNational Assembly, Cde Mabel Chinomona, vakakurudzira kushanda pamwe chete mukurwira kodzero dzevanhukadzi.

“Paramende paichagara muchikamu chechisere (Second Session of the Eighth Parliament) vanhu vemuZimbabwe vanenge vari kutarisira kuti mitemo inge ichikumikidzwa nekukasika,” vakadaro.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×