‘Tsikidzi dziri kukonzerwa nembatya dzemabhero’

Mirirai Nsingo

KANZURU yeguta reHarare inoti kutengeswa pamwe nekuchengetwa kwembatya dzakambopfekwa kana kuti dzemabhero ndiko kuri kukonzera kunyuka kwetsikidzi muMbare.

Vakuru vezveutano vakatanga kupinda munharaunda iyi kuti vaite ongororo maringe nedambudziko retsikidzi iro rarura.

Mukuru anoona nezveutano mukanzuru yeHarare, Dr Prosper Chonzi, vanoti nyaya yetsikidzi iri kuongororwa.

Izvi zvinotevera kuchema-chema kwevagari vekuMatapi, Matererini neMbare Flats vachiti havasi kurara nekuda kwekurumwa netsikidzi.

“Ongororo yedu inonongedza mukuchengetwa uye kutengeswa kwembatya dzakambopfekwa, idzo dzinobva kunze kwenyika dziri mumabhero, mune dzimwe dzimba sehonzeri yekutekeshera kwedambudziko retsikidzi,” vanodaro.

Nzvimbo iyi inogara vanhu vakawada izvo zviri kuita kuti zvive nyore kuti tsikidzi idzi dzipararire.

Izvi zviri kuona vagari veko vachirumwa zvakanyanya netsikidzi izvo zviri kukonzera kusagadzikana.

Dr Chonzi vanoti vashandi vekanzuru vakatora dzimwe tsikidzi kuti dziongororwe mumarabhoritari.

“Takatora tsikidzi tikaendesa kurabhoritari kuti tione kuti dzakangofanana here nedzimwe dzakambonyuka munguva pfupi yadarika. Tiri mushishi kufirita tsikidzi idzi mudzimba munzvimbo iyi kuti dzisarambe dzichitekeshera,” vanodaro.

Vanoti panodiwa hurongwa hwakajeka kuitira kudzivirira kupararira kwetsikidzi dzichienda kune mamwe matunhu sezvo vanhu vachipinda muMbare uye vachizoenda kunzvimbo dzakasiyana.

“Izvi zvinoda kuti pave nehurongwa hwakasimba hunosanganisira vagari, vatengesi, vezveutano nemamwe mapazi eHurumende. Kana mbatya dzichinge dzamboshandiswa hadzifaniri kuramba dzichichengetwa mumba dzakawanda uye dzakangogara, vanhu havafaniriwo kugara nehuwandu panzvimbo dzakamanikana,” vanodaro.

Zvakadai, vamwe vagari vemuMbare vakaitwa hurukuro navo vanoti havazi kurara usiku nekuda kwekurumwa netsikidzi.

Vanoti huwandu hwetsikidzi idzi huri kuwedzera zvakanyanya izvo zviri kuona dzichipambira kuenda kune mamwe makamuri avanogara.

Tsikidzi idzi dziri kugara mumamatiresi, munhumbi kana mumawadhiropu munzvimbo iyi iyo ine dzimba dzemudurikidzwa uye inogara vanhu vakawandisa.

“Hatizi kurara. Husiku hwega-hwega tinenge tichingokwenya mushure mekurumwa netsikidzi,” anodaro mumwe mugari wemunzvimbo iyi achiwedzera kuti dzimwe mhuri dziri kupedzisira dzarasa mamatiresi ayo anenge azara netsikidzi.

Mashoko ake anotsinhirwa nemumwe mugari wekuMatapi Flats achiti mamiriro ezvinhu akawedzera kuipa masvondo adarika uye vari kutyira kuti kana dambudziko iri rikasagadziriswa nekukasika tsikidzi idzi dzinogona kupambira kune dzimwe nzvimbo.

“Tave kugara tisina kugadzikana, vana vedu vari kugara vachingotya, hatikwanise kuramba tiri mudzimba dzedu,” anodaro.

Vagari vemunzvimbo iyi vari kupomera kanzuru yeHarare mhosva yekutadza kugadzirisa dambudziko iri nekukasika kuburikidza nekufirita makamuri avanogara.

“Kanzuru yakauya kuzofirita gore rapera asi iye zvino mamiriro ezvinhu atonyanya kuipa, mishonga yavo inenge yekunyepa nekuti izvezvi zvatova pakaipa,” vanodaro Mai Simba.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×