Tsotsi rakazvivhura dumbu nebanga

Muhamed Komboni

MURUME wekwaZimunya, kwaMutare – uyo aiita zvokupaza dzimba dzavanhu achiba zvinhu zvavo – akazvicheka-cheka nebanga ndokuzofa apo akanga otya kusungwa nemhomho yevanhu yainge yamuvinga pamusha pake.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland Assistant Inspector Luxson Chananda vanotsinhira nezvenyaya iyi.

Zvinonzi Andrew Mabambe (30) uyo aizivikanwa nenyaya dzekupaza dzimba achipindamo pasina mvumo (unlawful entry) akazvibaya nebanga padumbu ndokuzofira kuchipatara cheMutare Provincial Hospital.

Mabambe anonzi aitsvagwa nemeso matsvuku nemapurisa ekwaZimunya Post pamwe chete neepaMutare Rural Police Station nemhosva dzaainge akaparamura.

Mabambe anonzi akanga aine tsika yekutiza mapurisa aimutsvaga sezvo aitya kusungwa.

Vagari vemubhuku rekwaRushinga, kwaZimunya kwakare, ndivo vanonzi vakazogara pasi ndokuruka zano rekuti vabate Mabambe uyo akanga avakandisa mapfumo pasi.

Mhomho yevanhu vemubhuku umu yaitungamirirwa naToroyiwa Masiyambiri yakabva yaenda pamusha paMabambe vachida kumubata kuti vaende naye kumapurisa.

Paaiva mumba umu, Mabambe anonzi akatanga kudedera paakanzwa mhomho yevanhu yaiita ruzha iri panze ndokubva atora mapiritsi aiva mumba umu ndokudhudhudzira.

Apedza izvi, Mabambe anonzi akabva atora banga raivemo ndokuzvicheka, achizvivhura dumbu.

Masiyambiri anonzi ndiye akazomhanya kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa epaZimunya Post avo vakazouya kuzosunga Mabambe vachienda naye kuchipatara cheMutare Provincial Hospital uko kwaairapwa akarindwa nemupurisa.

Zvisinei, Mabambe anonzi akabva afuga rake oga, hama dzake ndokuzoziviswa nezverufu rwake.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *