Tsumo nemadimikira namukanya

ZVICHITEVERA chikumbiro chevana vechikoro nevamwe varairidzi nevabereki, tinodzosa chinyorwa chetsumo nemadimikira kuitira kuti vana vadzidze zvinozadza mukombe.Tsumo dzakawanda kwazvo. Nhasi ngatimboita tsumo dzinoshandisa kana kuti dzinodoma nhengo dzemuviri wemunhu.

1. . . . inyoka (Rurimi)

2. Kure kwe . . ., nzeve dzinonzwa (meso)

3. . . . chimwe hachitswanye inda (Chara)

4. Chitsva chiri mu . . . (rutsoka)

5. . . . mukadzi mukuru hairevi chayadya (Nhumbu)

6. Zvikoni zvikoni . . . haibvi negosoro (mimba)

7. . . . hauzarirwe nerwizi (Muromo)

8. Amai vatsva . . . mwana atsva . . . (musana, dumbu)

9. Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba . . . (magaro)

10. Chidamwoyo . . . kugara pambabvu (zamu)

 

. Mhinduro svondo rinouya.

 

* Tumirai mhinduro panhamba dzinoti 0714 200 007

Related Posts

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Kuchengetedza tsika nemagariro: Nyaradzo yofamba nenharaunda kuchengetedza nhaka yeZimbabwe

Munyori weKwayedza Tsika nemagariro ndezvimwe zvezvinhu zvinotibatanidza nekwatakabva, zvichiwanikwa mumitauro, mazita, zvekudya, nyaya dzinotaurwa nevakuru, mimhanzi netsika zvinobatanidza mhuri nenharaunda. Zvinoratidza kudyidzana kwatinoita uye kunzwisisa nzvimbo yedu munharaunda dzatiri. Kunyika…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×