Kana arambwa nemuramu . . .

Babamudiki  vanovhurira  maiguru zipi

Yvonne Chidochashe Manyanja

VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe mukadzi, uyo anove shirikadzi, akati muramu wake anomupindira mumba otanga kumupfimba akabata sikarudzi yake masikati machena.Prisca Dhumba akaendesa Nicodemus Nyakudya kuHarare Civil Court achiti anomuvinga mumba akavhura zipi yebhurugwa rake otanga kumupfimba uye kana aramba obva amurova pamwe nekumutukidzira. “Murume wangu akafa mugore ra2010, uye kubva ipapo handina mufaro nababamudiki ava. Vanondiudza kuti vanondida. Izvi vanozviita masikati machena vakandiburitsira sikarudzi yavo. “Ndave kutotya kuti kana vana vangu vanogona kuvabata zvisirizvo sezvo varatidza kuti vanoda kuti ini amai vavo ndishungurudzike. Pandakavaramba ndichiti muri kundisemesa, vakabva vandirova vakatanga kundituka vachiti ndinorwara nemukondombera uye ndiri pfambi yemakoko.

“Mumwe musi vakandipazira gonhi mumba mangu ndakarara ndikavabvunza kuti vakanga vachizviitirei vakanditi ndikurumidze kubva pamubhedha vachiti ndakanga ndakarara nemunhu asi pavakapinda hapana kana wavakaona,” akadaro Dhumba.

Nyakudya akaramba mhosva yaari kupomerwa achiti vanonetsana nemuramu wake nenyaya yekugova nhaka yemidziyo yemukoma wake.

“Changamire, zvavataura ndazvinzwa asi handicho chokwadi, amaiguru vanogara mumba mangu uye mukoma wavari kuti mukoma wangu haasi mwana waamai vangu. Saka nyaya ndeyekuti havasi kuda kubva vachinogara patiri kuda kuvapa kuti vagare,” akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa gwaro redziviriro kuna Dhumba.

Related Posts

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Kuchengetedza tsika nemagariro: Nyaradzo yofamba nenharaunda kuchengetedza nhaka yeZimbabwe

Munyori weKwayedza Tsika nemagariro ndezvimwe zvezvinhu zvinotibatanidza nekwatakabva, zvichiwanikwa mumitauro, mazita, zvekudya, nyaya dzinotaurwa nevakuru, mimhanzi netsika zvinobatanidza mhuri nenharaunda. Zvinoratidza kudyidzana kwatinoita uye kunzwisisa nzvimbo yedu munharaunda dzatiri. Kunyika…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×