Tsvagai nzvimbo nenguva: Dokora

dokoraShein Kanyumwa
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Lazarus Dokora, vanoti zvakakosha kuti vabereki vatsvage nzvimbo dzevana dzechikoro dzakaita sedzeGrade 1 nguva ichiripo kwete kuzomhanya-mhanya nguva yapera.Muhurukuro neKwayedza, Cde Dokora vakati kazhinji vamwe vabereki vanovarairwa panyaya iyi uye vanofanira kutsvaga nzvimbo idzi pedyo nekwavanogara kuitira kuti zvizove nyore kuvana pakuenda nekudzoka kuchikoro.

“Vabereki vanofanirwa kugara vakagadzirira kuitira panovhurwa zvikoro vanenge vave kuziva pavamire nekuti dambudziko guru riripo nderekuti vamwe vanoda kuzoti pasara kana vhiki rimwe chete kuti vana vavhure zvikoro ndipo povotanga kuchimhanya-mhanya kutsvaga nzvimbo.

“Saka vabereki ngavatsvage nzvimbo idzi nguva ichiripo nekuti nzvimbo dzeGrade 1 idambudziko munyika muno,” vakadaro Cde Dokora.  Vanoti havakurudzire vabereki kuti vatsvagire vana vavo nzvimbo dzechikoro kure nekwavanogara. “Dzidzo iri muzvikoro yakafanana, saka musaendese mwana pachikoro nekuda kwembiri yezita racho nekuti idambudziko rinodzoka kwamuri zvekare nevarairidzi sezvo vanozotora nguva yavo zhinji vakamirira kuti muuye kuzotora vana kuchikoro,” vakadaro.

Muongororo yakaitwa neKwayedza, zvakaonekwa kuti vamwe vana vari kushaya nzvimbo dzeGrade 1 vari kuzopedzisira voendeswa kumakoreji anodhura uye mamwe acho ari kushanda zviri kunze kwemutemo.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×