Tsvina yevanhu, moto zvamira

DAMBUDZIKO remoto waingopisa zvinhu mudzimba netsvina yevanhu yaingoonekwa yakaita gatakata mumba nepachivanze paimwe imba iri kuKuwadzana Phase 3, muHarare, rinonzi rakambomira.Pamba apa zvakare, panonzi paingopotserwa matombo, mudzimba muchidirwa mvura nezvinhu zvisati zvazivikanwa kuti zvii.

Mashura aya ange achiitika pamba paMbuya Locadia Chinyanga (68) panhamba 9184 uye mhuri iyi inoti yange yava nemwedzi inodarika mina vakatarisana nedambudziko iri.

Mai Patricia Matare (46), avo vanova mwanasikana pamba apa, vanoti vakabatsirwa padambudziko iri neimwe chechi uye pari zvino zvakambomira.

“Takabatsirwa nemunhu waMwari Apostle Farai Rukweza vechechi yeThe Holy Spirit Ministry International (POTHS) iri kuChitungwiza. Moto wakamira uye tsvina yevanhu yaingoitirwa pose pose hatichaiona, hakuchina.

“Kana matombo aingopotserwa akabva angomira. Asiwo vanamati vechechi iyi vakatombotemwawo nemabwe aya,” vanodaro Mai Matare.

Vanoti zvinhu zvakatsva nemoto uyu, uyo wakatora nguva yakareba uchingoparadza, zvinosanganisira chipo chembatya dzavo dzose, mayunifomu evana echikoro, shangu, magumbeze nemawodhiropu.

Mai Matare vanoti zvekudya chaizvo havasisina sezvo chikafu chose chavanga vainacho chakapera kutsva nemoto waingovamba woga uyu.

“Tiri kurarama upenyu hwakaoma zvikuru. Hatina chatakasara nacho, zvinhu zvose zvakapera kutsva. Tinogara tiri mhuri yevanhu vatanhatu kuti ini, Gogo Locadia Chinyanga varidzi vemba vanova amai vangu, Masceline Arimosa (22), Zvikomborero Chinyanga (18), Suzana Chinyanga (7) naTawanda Arimosa (25).”

Vanoti mapombi ose epamba pavo anofambisa mvura netsvina akapera kutsvawo mudambudziko iri.

“Chikumbiro chedu kuruzhinji rweZimbabwe kuti vatibatsirewo nembatya, magumbeze, shangu, mayunifomu evana vechikoro nezvokudya uye imba yedu inodawo kugadziridzwa nzvimbo dzakatsva.

“Ndiro nemapoto chaiwo zvakatsva zvose. Kune vanoda kutibatsira vanogona kuridza nhare dzinoti 0773 437 299,” vanodaro Mai Matare.

Vanotaura vanoti mhuri iyi inokwanisa kunge iri kuoneswa nhamo nezvidhoma kana kuti zvikwambo. Vamwewo ndivo vanofungidzira kuti imba iyi yakavakirwa pamakuva.

Apostle Rukweza vanotsinhira kuti vari kubatsira mhuri iyi padambudziko iri.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *