Tuku chibaba: Mahachi

Abel Ndooka —
MUIMBI wemusambo wechitendero – Tatenda Mahachi – anoti akadzidza zvakawanda zvikuru kusanganisira kuzvininipisa nekutsungirira kubva kuna Oliver Mtukudzi apo vakashanda vese pakambo kake kanonzi “Ndisiye Satan”.

Kambo aka kari kunetsa zvikuru pamasai-sai akasiyana uye kaita kuti zita raMahachi risimukire mumhanzi sezvakaitika gore rapera apo akanetsa nekamwe kanonzi “Usacheme”.

“Mudhara Oliver Mtukudzi ndibaba vangu uye kushanda navo unodzidza zvakawanda, wega uchisvika pavari unotonzwa kuti ndiri kusangana nababa. Ndakadzidza kuzvininipisa pamwe nekutsungirira pane zvaunenge uchiita kubva kwavari. Takasevenza tese pakambo kangu uye ndinoshuvira kuti ndicharamba ndichishanda navo zvakare nekuti zita rangu riri kusimukira,” anodaro Mahachi.

“Ini ndiri muimbi akasununguka, ndinobvuma kudzidza uye nekushanda nevamwe vaimbi saka hapana chinonditadzisa kushanda navo zvakanaka, zvakasununguka,” anodaro.

Nguva ichangodarika, muimbi uyu akatunzvaidzwa nekupihwa mubairo weGospel Music Creative Market Penetration Leadership Excellence Acumen nebhodhi reZimbabwe Business Awards.

Izvi zvinotevera kushanda kwaakaita mukusimudzira mhanzi yake muZimbabwe nekunze kwenyika.

“Ndinonzwa kuzvininipisa kurangarirwa nemabasa angu andiri kuita, mubairo uyu unorakidza kuti basa rangu riri kubata vakawanda. Handisi kumira kuparidza shoko raMwari uye ndicharamba ndichibika mhanzi yemhando yepamusoro,” anodaro Mahachi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *