Turkey yobatsira nechikafu

Heather Charema ari kuCHEGUTU

VAGARI vekuGadzema, kuChegutu, svondo rapera vakabatsirwa nezvekudya neveTurkish International Cooperation and Coordination Agency (TICCA) kuburikidza nemahofisi anomirira nyika yeTurkey muZimbabwe.

Vamiriri vemahofisi aya vave nemwedzi mina vachitenderera kunzvimbo dzakasiyana muZimbabwe vachipa vanhu zvekudya panguva iyo nyika ino iri kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mutungamiri weTICCA, VaAdam Wadi vanoti kubvira kutanga kwakaita Covid-19 muZimbabwe, mahofisi anomirira Turkey muno ari kubatsira mhuri dzinotambura nechikafu.

“Tatenderera mumatunhu ose eZimbabwe tichibatsira mhuri dzakasiyana-siyana kuti vawanewo cheuviri munguva ino yeCovid-19. Tinoshanda pamwe chete neHurumende yeZimbabwe zvakanaka uye tinotarisira kuramba tichienderera mberi nechirongwa ichi,” vanodaro.

Kwayedza yakaita hurukuro nevamwe vakawaniswa rubatsiro urwu avo vari kutenda zvikuru.

Jessica Meja anoti, “Tanga tisisina chekubata kumba uku saka tinotenda rubatsiro rwatapihwawo neTurkish Embassy nhasi urwu. Ndanga ndave kutopererwa nevana kuti zvino ndinovapei, kushaiwa kana mafuta ekubikisa kunyangwe munyu zvawo. Dzimwe nguva ndaitoshaya sipo yekuwachisa hembe.”

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×