ZUPCO yosimbaradza matanho eCovid-19

Munyori weKwayedza

KAMBANI yeZUPCO inoti iri kutevedzera matanho akananga kumisa kupararira kweCovid-19 anosanganisira kuti vanenge vachida kukwira mabhazi vasaita chitsokotsoko, vatorwe tembiricha, kuzorwa sanitizer, vopfeka mamasiki uye mabhazi acho achifiritwa nemushonga.

Vakafanobata chigaro chachamangwiza weZUPCO, VaEvaritso Madangwa vanoti bazi rezveutano nekurerwa kwevana nemusi weChitatu rakavheneka vashandi vavo vanosevenzera kuWillowvale, muHarare apo vanomwe vakawanikwa vaine Covid-19.

“Ticharamba tichifirita mabhazi edu zuva nezuva,” vanodaro VaMadangwa.

“ZUPCO icharamba ichitora tembiricha, kuzora sanitizer uye kuona kuti mamasiki apfekwa nevanofamba nemabhazi ayo pamwe chete nevashandi vedu. Pane matanho ari kutorwa ekuti mabhazi eZUPCO arambe achitakura vanhu.

“Apo tiri kurwisa denda iri, tinokurudzira vafambi, mapoka akasiyana atinoshanda nawo nenyika yose kuti vatore matanho ekudzivirira kupararira kweCovid-19,” vanodaro.

Zvichakadai, kanzuru yeZimbabwe Schools Examination Council (Zimsec) nemusi weChitatu chino yakazivisa nezvekuvharwa kwemuzinda wayo mukuru pamwe chete nemahofisi eHarare Regional Office kusvika musi we3 Nyamavhuvhu nechinangwa chekuti ambofiritwa mushure mekunge vashandi vayo 11 vawanikwa vaine Covid-19.

“Kuvharwa kwemahofisi aya kuri kuitirwa kuti akwanise kufiritwa senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19,” inodaro Zimsec mugwaro rayo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×