Cassius Mushore
MUDZIMAI nyachide pabarika, wekuti anogaroudzwa magaramoyo navahosi vake ayo anosanganisira kuti achazvara mwana akafa, akazokwidza nyaya iyi kumatare.
Elizabeth Fendani akaendesa Memory Mhaka kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa hope nekumushungurudza.
“Ini pari zvino ndini ndiri kugara nemurume, iye ari kugara kwake oga asi dzimba dzedu hadzisi kure nekure. Dambudziko riripo nderekuti maiguru vanogara vakatevererana neni, vanouya pakati pehusiku vachitsvaga murume asi masikati vanenge vaswera vose. Ini nguva nemurume ndava kutoishaya.
“Vanoratidza kuti havana kunyatsokwana nekuti vanouya pakati pahwo vachibvunza mari yemendenenzi. Ndizvo zvinhu zvinondishungurudza zvikuru apa akandiona kana masikati anotanga kungondituka.
“Zvazondisimudza kuuya kuno ndezvekuti vanonditi ndichazvara mwana akafa, saka ndava kutotya changamire,” akadaro Fendani.
Mhaka akapikisa mashoko aya achiti Fendani akange aine shanje dzakanyanya uye haadi kumuona akamira nemurume wavo.
“Mainini havadi kundiona ndakamira nemurume, vave kumuchengera zvisingaite. Ndikauya masikati ndichitsvaga murume vanondiudza kuti haapo asi anenge arimo vakamuvharira zvavo mumba mavo.
“Mainini vanorwadziwa kungondiona ndakamira nemurume chero mumugwagwa chaimo. Vakangonzwa nemakuhwa kuti ndakamira naye vanobva vamira vakatarisa kuti tiri kutaura nyaya dzei.
Mutongi Ruth Kamangira akapa gwaro redziviriro kuna Fendani.




