‘Bvisai rusarura muzvikoro’

HURUMENDE iri kukurudzirwa kutora matanho akananga kuona kuti vana vakaremara mitezo vadzidza pamwe chete neavo vasina nedonzvo rekubvisa mweya werusarura.

Izvi zvakataurwa nguva pfupi yadarika nemumiriri wevakaremara mitezo mudare reSenate (Disabled Representative), Senator Annah Shiri, apo vaikurukura pamusoro pezviri kuitwa neHurumende mukusimudzira dzidzo muZimbabwe.

“Tinoda kukurudzira Hurumende kuti itore matanho akananga kuona kuti dzidzo yakaringana muzvikoro zvose. Vana vakaremara mitezo vanokwanisa kudzidza nevasina kunyangwe zvazvo kuina vamwe vanoda zvikoro zvinoenderana nekuremara kwavanenge vakaita mitezo (special schools).

“Avo vane matambudziko ekunzwa vanokwanisa zvakare kudzidza nevanonzwa, zvikuru kana varairidzi vachiziva mutauro wemasaini.

“Tinokudzira makoreji evadzidzi kuti avafundise mutauro wemasaini nekuverenga Braille (rinoverengwa nevanhu vasingaone). Tinoti makomiti eSDC ngaavandudze zvikoro kuitira kuti vana vakaremara vasasangane nematambudziko pakudzidza,” vakadaro.

Sen Shiri vakati dzidzo inofanira kuwanikwa zviri nyore kune vakaremana mitezo kuburikidza nekushandiswa kwemichina yechizvino-zvino.

“Panguva yemazamanishoni vana vanorarama nehusope havakwanise kuverenga zvinenge zviri mumapepa ebvunzo. Mapepa ebvunzo aya anofanira kuve akanyorwa nemavara makuru kuitira vadzidzi vakadai,” vakadaro Sen Shiri.

“Tinokurudzira zvakare Hurumende kuti ibatsire pakuti vakaremara mitezo vanenge vasina kubudirira muzvidzidzo zvakaita seMathematics neScience vakwanise kuenda kunodzidza kumakoreji nekuti zvakaoma zvikuru kudzidzisa vana vakadai zvidzidzo izvi. Vamwe vacho vanenge vakapasa zvidzidzo zvishanu paO-Level asi vasina Mathematics, saka havakwanisi kuenda mberi kumakoreji,” vanodaro Sen Shiri.

Vanoti zvidzidzo zvemabasa emawoko zvinofanira kutanga kufundiswa kumagwaro epuraimari.

“Mukupedzisira ndinoti Zimbabwe iri kutungamirira munyaya dzedzidzo yemhando yepamusoro. Ndinoda kukurudzira nhengo dzose dzedare rino kuti dzive nechikamu chadzinoita mukusimudzira dzidzo kumatunhu adzinobva,” vanodaro Sen Shiri.

Related Posts

Mukadzi (19) abara mapatya ndokuapisa

Raymond Jaravaza MUKADZI ane makore 19 okuberekwa wekuMakokoba, kuBulawayo akasungwa nemhosva yekupisa vana mapatya avo vaaive achangobva kubara uye ndokuzonovakanda kunzvimbo inorasirwa marara. Akazivikanwa saPraise Chibwanda. Mitumbi yemapatya aya yakawanikwa…

Mhirizhonga inokanganisa budiriro yenhabvu yeZim

Tadious Manyepo AIMBOVE kaputeni wechikwata chemaWarriors, Willard Katsande, anoti budiriro munyaya dzenhabvu muZimbabwe inogona kudzokera kumashure zvakanyanya kana pachitariswa zviitiko zvakaita semhirizhonga yakaitika kuChahwanda Stadium, kuKwekwe, nomusi weSvondo wadarika apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×